Accessibility links

Breaking News

Evangelical Lutheran Church in Zimbabwe Yotsvaga Rubatsiro Zvichitevera Kuwanikwa kweCovid-19 muZvikoro Zvayo


Vana vechikoro vanodarika zana nemakumi manomwe pamwe nevarairidzi vatatu vemuzvikoro zveEvangelical Lutherna Church in Zimbabwe vakabatwa neCovid-19.
Vana vechikoro vanodarika zana nemakumi manomwe pamwe nevarairidzi vatatu vemuzvikoro zveEvangelical Lutherna Church in Zimbabwe vakabatwa neCovid-19.

Kereke yeEvangelical Lutheran Church in Zimbabwe mudunhu reMidlands kana kuti Central Diocese iri kutsvaga rubatsiro nekukasika zvichitevera kubatwa neCovid-19 kwevana pamwe nevarairidzi vezvikoro zviri pasi pekereke iyi mumatunhu eMidlands neMwenezi.

Vana vechikoro vanodarika zana nemakumi manomwe pamwe nevarairidzi vatatu vemuzvikoro zvishanu zveEvangelical Lutheran Church in Zimbabwe vakawanikwa vaine Covid-19 svondo rino.

Mukuru weEvangelical Lutheran Church in Zimbabwe mudunhu reMidlands neMwenezi kana kuti Central Diocese, Bishop Kenneth Sibanda, vanoti zvikoro zvose izvi zvichishanda pamwe nebazi rezvehutano zvakatora matanho akakodzera ekudzivirira kupararira kwedenda iri, uye vanokurudzira vabereki kuti vashatya zvavo vachiti zvinhu zvakagadzikana.

Bishop Sibanda vanoti vanyorawo gwaro rinojekesa mamiriro akaita zvinhu muzvikoro zvavo sezvo panga paine mashoko anongofamba achibva mumadandemutande akasiyanasiyana, kunyange hazvo mashoko azere achibva kubazi rezvehutano.

Vanoti ivo sekereke inoziva zvairi kuita, vatorawo danho iri kuti vazivise kuti zvavanazvo zvakamira sei, nekudaro tsamba iyi ine chinangwa chekujekesa kuti zvinhu zvakamira sei.

"Rubetsero rwunodiwa, eeh, kana paita dambudziko rakadai hatigoni kuti titi takakwana nekuti hatimbozivi kuti iko richatisvitsa kupi and, kune vanhu vanenge vachishuva kuti vatibetsere. Saka patsamba apa tangonyora eeh, zvinogara zvichidiwa pa situation dzakaita saidzodzi,"

Bishop Sibanda vanoti vari kutsvaga rubatsiro rwunosanganisira ma mask, mishonga inouraya hutachiwana kana kuti sanitizers, chikafu chevana vasingagare pachikoro vane Covid-19, mafuta edzimotokari, mari dzekutenga mishonga inenge yatarwa navanachiremba pamwe nematende.

Zvikoro zvine vana vakawanikwa vaine denda reCovid-19 zvinoti Chegato High School, Masase High School, Munene High School, Musume High School pamwe neMunene Primary School.

Vanoda kubatsira vanonzi vanokwanisa kubata Amai Shumba panhamba dzinoti 263 712 040 200 kana pa 263 773 481 868.

Hurukuro naBishop Kenneth Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG