Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inowedzera Mazuva eSarudzo dzeMatunhu muBato Muchinzi Mune Makakatanwa Akakomba


Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi.

Bato reZanu PF rinoti raendesa mberi kusvika musi wa 09 Gumiguru sarudzo dzekutsvaga hutungamiri hwematunhu madiki munyika yose richiti riri kupa mukana matunhu ane matambudziko kuti agadzirise zvinetswa nekukwanisa kupedza sarudzo idzi.

Asi vamwe vanoti bato riri kutonga iri ramanikidzwa kutora danho iri zvichitevera kusawirirana kunonzi kuri pakati pechikwata chinonzi chinotsigira mutunganiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nechimwe chinotsigira mutewedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga.

Sarudzo dzematunhu madiki idzi, idzo dzakatanga neMuvhuro wapera, dzaifanirwa kunge dzakapetwa neSvondo asi mune mamwe matunhu akaita seMashonaland Central neMidlands vatsigiri vemapoka ari kupikisana mubato iri vanonzi vakatadzisa kuenderera mberi kwesarudzo idzi izvo zvinonzi zvakazoita kuti dziendeswe mberi.

KuGokwe-Nembudziya muMidlands vatsigiri vebato iri vanonzi vakaitawo mhirizhonga vachipomerana mhosva yekuedza kubira sarudzo, izvo zvinonzi zvakazosvitsa pakuti mapurisa apindire mukudzimura mhirizhonga iyi.

Kudunhu reManicaland vatsigiri vebato iri vanonzi vakaratidzira vaine zvinyorwa zvainyunyuta zvichipomera sachigaro wedunhu, VaMike Madiro, mhosva yekuda kuisa vanhu vavo pazvigaro.

Mudunhu reHarare, vatsigiri vebato iri vanotsigira sachigaro iri VaGodwills masimirembwa nevanotsigira VaGodwin Gomwe vanonzi vakarwisanawo mumusha weEpworth.

Mudunhu reMidlands munonzi mune makakatanwa akasimba pakati pechikwata chegurukota rezvevasori VaOwen Ncube nechikwata chinotsigira sachigaro vebato mudunu iri, VaDaniel McKenzie-Ncube.

Mamwe matunhu anonzi agara aine kupesana mubato riri kutonga iri anoti Mashonaland East, Mashonaland West neMasvingo.

Bato Zanu PF rakazivisa svondo rapera kuti rakanga rambosendeka parutivi sarudzo dzematunhu makuru dzaifanirwa kuitwa mushure mesarudzo dzematunhu madiki idzi, richiti rakatora danho iri kuitira kupa mukana kugadziriro yemusangano wepagore uri kuitwa musi wa 25 Gumiguru kuBindura, kuMashonaland Central.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti manyepo kuti mubato ravo mune kusawirirana, vachiti kukwikwidzana hakurevi kusawirirana.

VaMugwadi vanoti kana mubato ravo muine kusawirirana, nhengo dzavo dzinoziva kwekenda nezvichwemo, kwete kuenda kumapurisa.

Vanotiwo zvichabuda musarudzo idzi zvichaziviswa nevakafanobata chigaro chemukokeri wemusangano, Vapatrick Chinamasa kana nguva yacho yasvika.

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG