Accessibility links

Breaking News

Covid-19 Yobata Zvakanyanya Vadzidzi Muzvikoro


Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro
Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu vanomwe vakafa neCovid-19, vamwe mazana matatu nemakumi matatu nevashanu, 335, vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.

Pavanhu ava mazana maviri nemakumi mana nevapfumbamwe (249) kana kuti zvikamu makumi manomwe nezvina kubva muzana, (74 percent), vanonzi vari muzvikoro.

Dunhu reMatabeleland South rinonzi rine vana vechikoro mazana maviri negumi nevatatu (213) vakawanikwa vaine Covid-19 kuchiti dunhu reMasvingo riine gumi nevashanu (15), Matabeleland North rine gumi (10), Manicaland vashanu, Mashonaland West vatatu, Mashonaland East vana vaviri kuchitiwo dunhu reBulawayo riine mwana mumwe chete.

Kufa kwevanhu vanomwe kwakasiya huwandu hwevanhu vafa nyika yose hwave zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi maviri nevatatu (4 623).

Kusvika pakupera kwezuva nemusi weChina vanhu mamiriyoni matatu mezviuru makumi masere nezvitatu zvine zana nemakumi mashanu nemuwe kana kuti 3 084 154 vakanga vabaiwa nhomba yekutanga yekudzivirira Covid-19.

Vamwe mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri nemakumi manomwe nechimwe zvine zana nemakumi mashanu nevashanu kana kuti 2 271135 vakanga vabaiwa nhomba yepiri.

Hurumende ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kusvika pakupera kwegore.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTungana Ndoro, vanoti vanhu ngavasatyiswa zvavo nehuwandu hunonzi huri kubatwa Covid-19 muzvikoro vachiti zvinhu zvakagadzikana chose sezvo pasina mwana ari kurwarisa.

VaNdoro vanoti vana vari kuwanikwa vaine Covid-19 ava havasi vana vanenge vachiratidza kurwara kwete, asi kuti vari kubatwa pakuvhenekwa kunoitwa vana muzvikoro mazuva ose.

Hurukuro naVaTaungana Ndoro pamusoro peCovid-19 muzvikoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG