Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuDunhu reCalifornia Vanovhotera Kuti Gavhuna Vavo Arambe ari paBasa


Gavhuna veCalifornia VaGavin Newsom
Gavhuna veCalifornia VaGavin Newsom

Gavhuna vedunhu reCalifornia muno muAmerica, VaGavin Newsom, vebato riri kutonga reDemocratic Party, vakapona musarudzo yakaita neChipiri yekuti vosiya here basa kana kuti kwete mushure mekunge vakwanisa kuwana mavhoti akawanda akaita kuti varambe vari pabasa ravo.

Sarudzo iyi yakaitwa zvichitevera danho renhengo dzebato rinopikisa reRepublican Party mudunhu iri rekuunganidza masiginicha anodiwa pamutemo kuti paitwe sarudzo yekubvisa gavhuna pachigaro chake kana achinge anzi akanganisa.

Vanhu ava vaipomera VaNewsom mhosva yekusabata zvakanaka nyaya dzedenda reCovid-19, vachinzi vakatsamwiswa nemitemo yekudzivirira kupararira kwedenda iri yakasimba yavakadzika, inosanganisira kumbovharwa kwezvikoro nemamwe mabhizimusi madiki akaita senzvimbo dzekudyira nedzekunwira.

Mumwe wevaikwikwidzana naVaNewsom, VaLarry Elder,vebato reRepublican Party, vakati mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19 yakaita sekupfeka zvivharangozi kana kuti ma mask, pamwe nekubaiwa nhomba, zvinofanirwa kuitwa nemunhu nekuda kwake kwete kumanikidzwa nevezvematongerwo enyika.

Hurongwa hwekuvhota pachidzingwa gavhuna hahusi hutsva mudunhu reCalifornia. Muna 2003 vaive gavhuna, vari zvakare vebato reDemocratic Party, VaGray Davis, vakabviswa musarudzo yakapinza mutambi wemafirimu ane mukurumbira, Va Arnold Schwarzenegger.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa pachikoro chepamusorosoro che Friends Univeristy kuWichita, mudunhu reArkansas, Doctor Moses Rumano, vanoti kukunda kwaVaNewsom mucherechedzo wekuti vanhu vamudunhu reCalifornia vari kufarira zviri kuitwa nagavhuna wavo pamwe nebato ravo reDemocratic Party.

Hurukuro naDoctor Moses Rumano
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG