Vanoona nezvekushandiswa kwemishonga munyika, veMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ), vanonzi vakapa bazi rezvehutano mvumo yekuti vana vane makore ari pakati pegumi nemana negumi nemanomwe vange vachibaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19.
Nhomba iyi iri panhomba mamiriyoni maviri nechidimbu yeSinopharm neSinovac ziri kutarisirwa kupinda munyika kusvika neMuvhuro svondo rinouya, sezvo miriyoni imwechete yeSinovac iri kutarisirwa kupinda zvakare munyika neMuvhuro.
Mufundisi Moyo vanoti vanowanawo zvakare nguva yekubatsira mhuri yeZimbabwe iri munyika iyi inenge yawirwa nematambudziko akasiyanasiyana, vachiti kunyange hazvo pasi rose riri kurarama munguva yakaoma kudai, ivo pachavo Mwari vachiri kuvachengeta nekuti havasati vaona kurema kana kuoma kwezvinhu.
Munyori mukuru weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaDavid Dzatsunga, vanoti kunyange hazvo vasati vagara pasi sesangano kuti vazeye nezvemashoko aya, havana kuatambira zvakanaka sezvo ari kutyisidzira vashandi.
Nyanzvi mune zvehutano vari mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vari kukurudzira hurumende kuti igadzirisa nechimbichimbi dambudziko rechekufambisa vachiti kukundikana kwekambani yeZUPCO kutakura vanhu kuri kukonzera kuungana nekutsikirirana kwevanhu pamisika yemabhazi.
Asi mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti bato reMDC Alliance hari fanirwe kutaura kwarisina kuswera, vachiti zvinhu zviri kufamba zvakanaka chose muzvikoro sezvo varairidzi vari kuenda kumabasa.
Mapato eMDC Alliance neMDC-T Okakavadzana paNyaya yeKudzingwa kweNhengo Pamwe neZita
Gungano guru repagore rinounganidza zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nezvinobva kuZimbabwe, reZim Expo, riri kutarisirwa kutanga neChishanu chino muguta reDallas mudunhu reTexas muAmerica, paine mitambo nezviratidzwa zvakasiyanasiyana.
Kurudziro yeMonetary Policy Committee iyi inouya panguva iyo makambani nevanhu vakawanda vari kuhwinha mari pamusika wemari yekunze uyu vari kunzi vari kunonoka kubhadharwa mari idzi zvekutotora masvondo anosvika mapfumbamwe, izvo zvinonzi zviri kukanganisa mafambisirwo emabhizimusi nemabasa.
Vagari vemu Ward 14 kuUzumba, mudunhu reMashonaland East, vari kuramba kuti kambani yeHeijin ichere matombo mubhuku rekwaNenzou, vachiti hapana hurongwa hwakajeka kwekuti vanhu vachakanganiswa nehurongwa uhwu vachaendeswa kupi.
Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, nemusi weChina vakadoma makurukota ehurumende yebato ravo kana kuti shadow ministers makumi maviri nematanhatu, pamwe nevamwe gumi vachange vari makurukota ematunhu, kana kuti provincial ministers.
Sangano rezvizvarwa zveZimbabwe reTeam Zimbabwe, rakaronga makwikwi emutambo wenhabvu wepamusoro apo zvikwata gumi nezvina zvezvizvarwa zveZimbabwe zvakarwira mukombe weZimbabwe Community Shield nemusi weSvondo 15 Nyamavhuvhu.
Bazi redzidzo yepasi rinoti harizivi kuti zvikoro zvichavhurwa riinhi, uye rinoti richanzwa kubva kumapoka ane chekuita nedzidzo kuti rotevera gwara ripi panyaya yenguva yekudzidza yasara kana zvikoro zvichinge zvazobudirira kuvhurwa.
Hurumende yeBritain neMuvhuro yaburitsa gwaro rinoratidza kwainoti kusagadzikana kwezvinhu muZimbabwe munyaya dzezvematongerwo enyika, kodzero dzevanhu, zveupfumi, mabhizimusi nehuwori.
VaMarowa vanotiwo vari kutora matanho akasimba ekuona kuti vanhu vatevedzera mitemo inokurudzirwa mukudzivirira kupararira kweCovis-19 munzvimbo dzavanenge vakaungana, pangave pamisangano kana parufu, akafanana nekupfeka zvivharangozi, kugeza maoko uye kusiya mikaha.
Sangano reMISA Rinoti Harina Kufara neMabatirwo eVatori veNhau Munguva yeSarudzo muZambia
Vamwe vanoti hurumende yeZanu PF iri kungohwanda nemunwe ichishandisa denda reCovid-19 sechikonzero asi iyo ichiziva zvayo kuti uyu mukana wekuti bato reMDC Alliance, rinove bato guru rinopikisa munyika, risave nemasimba kwese kumakanzuru nemuparamende.
Sangano reEuropean Union svondo rino rakapa mari inoita mamiriyoni matatu emapondo ekuBritain kusangano reWorld Food Programme kuti ribatsire zvizvarwa zveZimbabwe zviri mumadhorobha nechikafu.
Bepanhau iri, iro rinonzi 'Tudiki Magazine', rinowanikwa padandemutande chete, uye rinoburitsa nyaya dzakasiyanasiyana dzinosanganisira dzemhuri, dzevana vadiki kana dzinobva kuvana vadiki, dzevabereki, pamwe nenyaya dzine chekuita nehutano hwevana.
Sangano reLaw Society of Zimbabwe rinoti riri kukurudzira kuti hurumende ifungisise pamusoro pemhosva dziri mumatare kuti dzitongwe pachishandiswa madandemutande.
Rodhai zvimwe