Accessibility links

Breaking News

Sangano reMISA Rinoti Harina Kufara neMabatirwo eVatori veNhau Munguva yeSarudzo muZambia


Vanhu vemuZambia vakamirira kuvhota musarudzo dzakaitwa nemusi weChina.
Vanhu vemuZambia vakamirira kuvhota musarudzo dzakaitwa nemusi weChina.

Sangano reMedia Institute of Southern Africa, MISA, rinoti riri kushushikana zvikuru nekusachengetedzeka kwevatori venhau pamwe nemapoka ezvekufambiswa kwenhau muZambia kubva munguva yegadziriro dzesarudzo, zuva resarudzo, uyewo mushure mesarudzo.

Sangano iri rinoti riri kushoropodzawo kukanganiswa kwekufamba zvakanaka kwemasaisai kubva pazuva resarudzo, richiti uku kutyora kodzero dzevanhu sezvo zvichizovatadzisa kupinda mumadandemutande kana kutumira kana kutumirwa nhau.

Vari kutungamira chikwata cheMISA chiri kuongorora sarudzo muZambia, uye vari sachigaro veMISA-Zimbabwe, VaGolden Maunganidze, vanoti zvakakosha kuti vatori venhau vasashungurudzwa kuitira kuti sarudzo dzigozotaurwa dzichinzi dzakanga dzakachena uye dzakajeka.

Ukuwo, sangano reAfrican Union, rati riri kufadzwa nerunyararo rwakavepo pazuva resarudzo.

Vari kutungamira chikwata cheAfrican Union, uye vaimbove mutungamiri wenyika ye Sierra Leone, VaErnest Bai Koroma, vaudzawo mutori wenhau weVoice of America, Peter Clottey, uyo ari muzambia kuti vamiriri vemapato akakwikwidza musarudzo vanoti havana zvinyunyuto.

VaKoroma vatiwo vanofadzwawo nekuzvibata kwevanhu vemuZambia munguva yesarudzo idzi.

Asi VaMaunganidze vanoti mhirizhonga zhinji dzinoitika munguva dzesarudzo dzinonyanyoitika kuvhota kwapfuura, vanhu vakamirira zvabuda musarudzo, kana kuti panoziviswa zvinenge zvabuda musarudzo.

Zambia yakaita sarudzo yemutungamiri wenyika pamwe nevamiriri mudare reparamende nemusi weChina.

Vanhu gumi nevatanhatu vakakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, kunyange hazvo makwikwi akasimba ari pakati pemutungamiri wenyika VaEdgar Lungu naVaHakainde Hichilema.

Mavhoti anonzi ari kuverengwa zvichitevera sarudzo dzakaitwa nemusi weChina, sangano reElectoral Commission of Zambia richivimbisa kuti zvakabuda musarudzo idzi zvichaziviswa mazuva matatu asati apfuura.

Hurukuro naVaGolden Maunganidze
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG