Accessibility links

Breaking News

Nhabvu Yoshandiswa kuUnganidza Mhuri yeZimbabwe kuBritain


Nhabvu inobatanidza vanhu, zvisineyi nekuti vanobva kupi, izvo zvave kuitawo kuti mhuri yeZimbabwe ishandisewo mutambo uyu.
Nhabvu inobatanidza vanhu, zvisineyi nekuti vanobva kupi, izvo zvave kuitawo kuti mhuri yeZimbabwe ishandisewo mutambo uyu.

Sezvinozivikanwa pasi rose kuti nhabvu inobatanidza marudzi ose zvisineyi nekuti unobvepi uye unotarura rumirimi rwupi, mutambo uyu wave kushandiswawo nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuBritain mukuunganidza mhuri yeZimbabwe iri munyika iyi.

Sangano rezvizvarwa zveZimbabwe reTeam Zimbabwe, rakaronga makwikwi emutambo wenhabvu wepamusoro apo zvikwata gumi nezvina zvezvizvarwa zveZimbabwe zvakarwira mukombe weZimbabwe Community Shield nemusi weSvondo 15 Nyamavhuvhu.

Imwe nhengo yeTeam Zimbabwe, vari zvakare mumwe wevanoronga makwikwi aya, VaWellington Muringai, vanoti vanotora mukana wemutambo uyu kuunganidza zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvirambe zvichizivana, kanawo kuumba hushamwari hutsva sezvo vanhu vakawanda vachibuda kunoona nhabvu.

VaMuringai vanoti vanoshandisawo zvakare makundano enhabvu aya kuona vatambi venhabvu vatsva avo vavanozosvitsa mazita avo kumasangano enhabvu ari kuZimbabwe kuitira kuti vatambi ava vazosarudzwawo pane vanenge vachizotambira zvikwata zvenyika.

VaMuringai vanotiwo makore ose adarika makundano aya vanosiaita muna Kubvumbi pamhemberero yekuzvitonga, asi nekuda kwemitemo yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19 iyo yairambidza kuungana kwevanhu muBritain, gore rino vakazoaita muna Nyamavhuvhu.

Vanokurudzirawo vana veZimbabwe vari kunyika dzakasiyanasiyana kuti vatore mikana yekuungana kuitira kuti varambe vari mhuri imwechete.

Hurukuro naVaWellington Muringai
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG