Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzotyira Kuti Kuungana kweVanhu paMabhazi eZUPCO Kuchakonzera Kuparadzirwa kweCovid-19


Mukuru weCoomunity Working Group on Health, VaItai Rusike
Mukuru weCoomunity Working Group on Health, VaItai Rusike

Nyanzvi mune zvehutano vari mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vari kukurudzira hurumende kuti igadzirisa nechimbichimbi dambudziko rechekufambisa vachiti kukundikana kwekambani yeZUPCO kutakura vanhu kuri kukonzera kuungana nekutsikirirana kwevanhu pamisika yemabhazi.

VaRusike vanoti izvi zviri kuzoisa vanhu vakawanda munjodzi huru yekutapurirana hutachiwana hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Vanoti hurumende inofanirwa kuwedzera mabhazi eZUPCO, kana kudzosera mumigwagwa makombi aimbotakura vanhu, poonekwa kuti atevera mutemo wekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Svondo rapera mapurisa akazivisa kuti achange achisunga vedzimotokari dzisiri pasi peZUPCO, uye vafambi vanowanikwa vakakwira motokari idzi vachabhadhariswa madhora zviuru zviviri pamunhu sefaindi.

VaRusike vanotiwo nekuda kwekuwanikwa kwehutachiwana hutsva hunokonzera Covid-19 hwe C.1.2 munyika dzakaita seSouth Africa, hurumende inofanirwa kusimbisa nyaya dzedzidziso pamusoro pedenda iri.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti vanhu gumi nevatanhatu (16) vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika yose, uye vamwe zana nemakumi maviri nevashanu (125) vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.

Izvi zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika yose pazviuru zvina nemazana mana ane makumi masere nevaviri, (4,482).

Vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 kubva zvachatanga vakasvikawo pazviuru zana nemakumi maviri nezvishanu zvine mazana mashanu nemakumi mashanu (125,550).

Vanhu vapora vave zviuru zana negumi nezvitanhatu zvine mazana mana nemumwe, (116,401).

Kusvika pakupera kwezuva neSvondo, vanhu vakanga vabayiwa nhomba yekutanga yekudzivirira chirwere cheCovid-19 vakanga vave mamirioni maviri ane zviuru mazana manomwe negumi nezvitatu zvine mazana mashanu ane makumi mana nevasere (2 million 713 548).

Vanhu vabayiwa nhomba dzose mbiri sezvinokurudzirwa vakanga vave miriyoni imwechete ine zviuru mazana manomwe negumi nezvinomwe zvine mazana mana nemakumi matatu kana kuti (1 million 717 430).

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG