Accessibility links

Breaking News

Mapato eMDC Alliance neMDC-T Okakavadzana paNyaya yeKudzingwa kweNhengo Pamwe neZita


Mutungamiri weMDC-T VaDouglas Mwonzora
Mutungamiri weMDC-T VaDouglas Mwonzora

Makakatanwa pakati pemapato eMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora neMDC Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa ari kuramba achikwira mutarara zvichitevera mashoko ekuti MDC-T ine humwe hurongwa hutsva kwekuda kudzinga dzimwe nhengo dzeparamende nemakanzuru vakasarudzwa pasi pebato reMDC Alliance.

Mashoko aya ari kuuya panguva iyo bato reMDC-T pamwe nemamwe mapato akapinda musarudzo dza 2018 ari mumubatanidzwa weMDC-Alliance achangobva kuzivisa kuti haasi kuzobvumidza bato raVaChamisa kushandisa zita rekuti MDC Alliance, vachiti havasi mumubatanidzwa uyu.

Pamusoro pezvo, hurumende ichangobva kupawo bato reMDC-T mari inoda kusvika kumamiriyoni makumi matanhatu emadhora inopiwa kumapato ane nhengo muparamende pasi pemutemo wePolitical Parties Finance Act, izvo zvinonzi zvakatsamwisa zvakanyanya bato reMDC Alliance, iro rinoti ndiro rine nhengo dzakasarudzwa kupinda muparamende.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vari kukurudzira bato raVaChamisa kuti risiyane nehondo yekurwisana neMDC-T iyi vachiti haihwinhiki, asi bato reMDC Alliance rinoti gwara rekutevera rinobva muvanhu, kwete kuvatungamiri.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti MDC-T iri kushandiswa neZanu PF kudzinga nhengo dzebato ravo, vachiti MDC Alliance ibato rakasarudzwa nevanhu vakavhotera VaChamisa kuti vavatungamire.

Panyaya yezita, VaHlatywayo vanoti zviri kuvanhu kuti voshandisa zita ripi, kwete kuti ivo vasarudze.

Asi mutauriri weMDC-T, VaWitness Dube, vanoti bato ravo harina hurongwa hwekudzinga dzimwe nhengo dzeMDC Alliance pari zvino, asi vanoti bato ravo harizodzori tsvimbo kune vanenge vachitsautsira vachiti vanovadzinga zvechokwadi.

VaDube vanoti harisi bato reMDC-T kwete riri kurambira zita rekuti MDC Alliance, asi kuti mapato ari mumubatanidzwa uyu ndiwo akati zita ravo harifanirwe kushandiswa zvisizvo.

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo pamwe naVaWitness Dube
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG