Accessibility links

Breaking News

R-B-Z Yokurudzirwa Kuti Ikasike Kubhara Vanenge Vahwinha Mari paMusika weMari yeKunze


Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) VaJohn Mangudya
Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) VaJohn Mangudya

Vemabhizimusi pamwe nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi vari kutambira nemufaro kurudziro yekomiti inotara mitemo yemari kubhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, yeMonetary Policy Committee, yekuti bhanga iri ribhadhare mukati memwedzi mari dzisati dzapiwa kumakambani akahwinha pamusika wemari yekunze.

Gwaro rakaburitswa nagavhuna veReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya neMuvhuro rinoti komiti iyi iri kukurudzirawo kuti bhanga guru iri ringe richizobhadhara makambani anenge ahwhinha aya mukati memasvondo maviri sezviri pamutemo.

Kurudziro yeMonetary Policy Committee iyi inouya panguva iyo makambani nevanhu vakawanda vari kuhwinha mari pamusika wemari yekunze uyu vari kunzi vari kunonoka kubhadharwa mari idzi zvekutotora masvondo anosvika mapfumbamwe, izvo zvinonzi zviri kukanganisa mafambisirwo emabhizimusi nemabasa.

Asi mubvunzo mukuru uripo ndewekuti zvinokwanisika here kuti zviitike mukati memwedzi mumwechete uri kukurudzirwa, pachitariswa mari yacho inoda kubhadharwa, iyo inonzi inosvika mamiriyoni zana nemakumi manomwe nemashanu emadhora ekuAmerica?

Mutungamiri wesangano rinomirira vezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti itarisiro yevemabhizimusi kuti dai mari yavenenge vahwinha pamusika wemari yekunze uyu vachimbidze vaiwana kuitira kuti vaishandise ichine huremu.

VaMutashu vanotiwo kunonoka kuwanikwa kwemari iyi nevemabhizimusi ndiko kuri kupfumbidza nzira yekuenda kune vanotengesa mari yekunze pamusika mutema, izvo zviri kuzokwidzawo zvakare mutengo wemari pamusika uyu.

Izvi zvatsinhirwawo nemutungamiri weEmployers’ Confederation ofZimbabwe, VaIsrael Murefu, avo vanoti panofanirwa kuve nekugadzikana munyaya dzemutengo wemari yekunze kuitira kuti vemabhizimusi vakwanise kuronga remangwana.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vanotiwo idanho rakanaka riri kukurudzirwa neMonetary Policy Committee, asi panofanirwa kuonekwa kuti chii chiri kukonzera dambudziko iri.

Ko vanoona here kurudziro yekomiti iyi ichikwanisa kuzadziswa mukati memwedzi mumwechete? Doctor Chitambara vanoti zvinogona kunetsa kunze kwekunge pave kutozoshandiswa mari yakapiwa nyika neInetrnational Monetary Fund yemaSpecial Drawing Rights, kana kuti SDR kuti ibatsire kusimudzira musika wemari yekunze uyu.

Muzvinabhizimusi, uye vari nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda vanotsigira Doctor Chitambara vachitiwo mari yakapiwa nyika neIMF iyi inokwanisa chose kubatsira vemakambani kurerutsa dambudziko remari yekunze.

Kunze kwekunge R-B-Z yakwanisa kugadzirisa dambudziko iri nekukasika, vakawanda vemabhizimusi vacharamba vachiita hukama nevanotengesa mari yekunze pamukoto, kunyange hazvo vachiitenga nemuripo uri pamusoro, izvowo zvinozoita kluti mitengo yezvinhu zvakawanda ikwire.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG