Accessibility links

Breaking News

Mufundisi Moyo Vari kuSouth Africa Voedza Ruoko Rwavo muMimhanzi


Mufundisi Richard Moyo
Mufundisi Richard Moyo

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kuramba zvichisangana nezvimhingamipinyi zvakasiyanasiyana, zvikuru sei munguva ino yeCovid-19, zvichitevera matanho akatorwa nenyika dzose pasi rino ekudzika mitemo yakasiyanasiyana senzira yekudzivirira kupararaira kwedenda reCovid-19.

Matanho aya akakanganisawo nedzimwe nzira mararamiro everuzhinji, kusanganisirawo vamwe vevana veZmbabwe vari munyika idzi.

Asi izvi handizvo zvakaitika kuna Mufundisi Richard Moyo, avo vari muPretoria, muSouth Africa, avo vanoti hupenyu hwavo hwakaramba huchienda semararamiro avo ekushanda Muvhuro kusvika Chishanu, uye kunamata nekubata pamwe nenhengo dzekereke yavo, zhinji dzacho dzinove vana veZimbabwe.

Mufundisi Moyo vanoti vanowanawo zvakare nguva yekubatsira mhuri yeZimbabwe iri munyika iyi inenge yawirwa nematambudziko akasiyanasiyana, vachiti kunyange hazvo pasi rose riri kurarama munguva yakaoma kudai, ivo pachavo Mwari vachiri kuvachengeta nekuti havasati vaona kurema kana kuoma kwezvinhu.

Pamusoro pemabasa avari kuita ose aya, Mufundisi Moyo vakawanawo nguva yekutsikisa nziyo dzavo mbiri dziri mururimi rwe Ndebele yekuSouth Africa kwakare, idzo dziri kutarisirwa kubuda neChishanu chino.

Vanoti kunyange hazvo vasiri muimbi, apa vakafunga nziyo idzi senzira yekutenda mumwe mushamarari wenhepfenyuro ye Ikwekwezi FM, iyo iri makare muSouth Africa, uyo vanoti anobata vanhu vekunze kwenyika iyi zvine chiremera kwazvo izvo zvinoita kuti vasununguke kana vachinge vakokwa kunhepfenyuro iyi.

Vachipindura mubvunzo wekuti vave kupinda mune zvemimhanzi here, Mufundisi Moyo vanoti "tarisiro yandiri kutarisira nayo inhau yekuti zvandapinda nekuimba ndinotarisira kuti kana takafamba zvakanaka ndinogona kuzova nema song ezvechitendero anopisa andichaimba ne language yedu yeShona nechiNdebele chekuSouth Africa sezvo ndine opportunity parhedhiyo iyi."

Hurukuro naMufundisi Richard Moyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG