Accessibility links

Breaking News

EU Inopa Mamiriyoni Matatu emaEuros yeChikafu cheVagari veMumaguta muZimbabwe


EU FLAGS
EU FLAGS

Sangano reEuropean Union svondo rino rakapa mari inoita mamiriyoni matatu emapondo ekuBritain kusangano reWorld Food Program (WFP) kuti ribatsire zvizvarwa zveZimbabwe zviri mumadhorobha nechikafu pasi pechirongwa charo, che Social Assistance and Resilience Building Program.

Chirongwa cheWFP ichi chinozni chinobatsira nemari kuvagari ava kuti vakwanise kutenga zvekudya zvakaita seupfu, munyu, shuga, mafuta ekubikisa nezvimwe.

Mari iyi inonzi ichabatsira kuwedzera huwandu hwevanhu vari kuwana rubatsiro urwu kusvika kumazana mashanu ezviuru panosvika kupera kwegore, uye munhu oga oga anenge achitarsirwa kuwana madhora gumi nemaviri emari yekuAmerica pamwedzi.

Vaimbove mukuru we Christian Care, Reverend Forbes Matonga, vanoti danho ratorwa neEuropean Union rinoda kutendwa chose, kunyange hazvo madhora gumi nemaviri pamunhu iri mari shoma kwazvo, isingakwanise kutengga zvingadiwa nemunhu zvakaita seupfu neshuga kwemwedzi wese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG