Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Voshushikana neMashoko eKuti Vasina Kubaiwa Nhomba Vanofanirwa Kusiya Mabasa


Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi

Sangano rinomirira vashandi vehurumende reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, iro raimbozivikanwa nerekuti Apex Council, rinoti harisi kufara nemashoko anonzi ataurwa negurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, ekuti vashandi vehurumende vasiri kuda kubaiwa nhomba yeCovid-19 vanofanirwa kuti vasiye mabasa senzira yekudzivirira kuparadzira denda iri kune vamwe.

Munyori mukuru wesangano iri, VaDavid Dzatsunga, vanoti kunyange hazvo vasati vagara pasi sesangano kuti vazeye nezvemashoko aya, havana kuatambira zvakanaka sezvo ari kutyisidzira vashandi.

VaDzatsunga vanoti sesangano vanokurudzira vashandi vose kuti vabaiwe nhomba yekudzivirira Covid-19 sezvinokurudzirwa, asi panofanirwa kugarwa pasi pakati pevashandi nehurumende kuti vaone vari pamwechete kuti poitwawo sei kuvashandi vasiri kuda kubaiwa nhomba.

Vanoti nyaya dzinobata vashandi nehutano hwavo hadzifanirwe kungotaurwa nechero munhu ari kwaanenge ari.

VaZiyambi vanonzi vataura mashoko aya pahurukuro yavaita nenhepfenyuro yeZiFM nhasi masikati.

Studio 7 yakundikana kubata VaZiyambi kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.

Hurukuro naVaDavid Dzatsunga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG