Accessibility links

Breaking News

Ongororo yeMDC Alliance Inoti muZvikoro Hamuna Chiri kuitwa, Asi Hurumende Inoti Muri Kudzidzwa


Bato reMDC Alliance rinoti vana muzvikoro havana vafudzi sezvo varairidzi vasiri kuenda kumabasa.
Bato reMDC Alliance rinoti vana muzvikoro havana vafudzi sezvo varairidzi vasiri kuenda kumabasa.

Bato reMDC Alliance rinoti rakaita ongororo yemuzvikoro iyo inoratidza kuti zvinhu zvakaita manyama amire nerongo muzvikoro, uye hapana kudzidzwa kuri kuitwa sezvo varairidzi vakawanda vasiri kuenda kumabasa.

Mumwe mutevedzeri wemutauriri webato iri, VaFelix Magalela Mafa, vanoti bato ravo rakaita ongororo iyi mumatunhu ose enyika richitungamirirwa nevanyori vezvedzidzo vemumatunhu ose gumi nemaviri enyika, kusanganisira Harare neBulawayo.

VaMafa vanoti ongororo yavo yakaona kuti hurumende yakanga isina kugadzirira zvakakwana kuvhurwa kwezvikoro, varairidzi vasiri kufara nemihoro yavo iri pasi yavari kutambira, uyewo vabereki vasina kunge vakagadzirira kuendesa vana vavo kuchikoro sezvo vasina kupiwa nguva yakakwana yekugadzirira.

Vanoti MDC Alliance iri kukurudzira kuti hurumende iite musangano wechimbichimbi nemapoka ose ane chekuita nedzidzo unosanganisira masangano evarairidzi, mapato ezvematongerwo enyika, vemakereke, pamwe nemasangano evabereki nevarairidzi, kana kuti parents-teachers associations.

VaMafa vanoti bato ravo rinoona sekuti kana izvi zvakasaitwa nekukasika dzidzo yemunyika iri kuparara.

Asi mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti bato reMDC Alliance hari fanirwe kutaura kwarisina kuswera, vachiti zvinhu zviri kufamba zvakanaka chose muzvikoro sezvo varairidzi vari kuenda kumabasa.

Hurukuro naVaFelix Magalela Mafa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG