Nyaya yekuti Zimbabwe iri kutadza kuita sarudzo dzema by-election kutsiva nhengo dzeparamende pamwe nemakanzura dzakadzingwa nebato reMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, nezvikonzero zvedenda reCovid-19 yasimudza zvakare mutauro munyika zvichitevera kuitwa kwesarudzo muZambia.
Vamwe vanoti hurumende yeZanu PF iri kungohwanda nemunwe ichishandisa denda reCovid-19 sechikonzero asi iyo ichiziva zvayo kuti uyu mukana wekuti bato reMDC Alliance, rinove bato guru rinopikisa munyika, risave nemasimba kwese kumakanzuru nemuparamende.
Rimwe gweta rekodzero dzevanhu uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti hurumende inokwanisa kuitawo kuti sarudzo idzi dziitwe pachingoteverwawo mitemo inokurudzirwa yekudzivirira kupararira kweCovid-19, sezvo zvigaro zvisina humiriri zvichifanirwa kuzadziswa.
VaMavhinga vanoti dzimwe nyika dzisiri Zambia, dzakaita seMalawi neUganda dzakabvawo kuita sarudzo munguva imwe cheteyo yeCovid-19, zvichireva kuti hapana chinotadzisawo Zimbabwe kuita zvimwe chete.
Asi rimwe gweta uye vari nhengo yeZanu PF kuBritain, Doctor Simba Mavaza, vanotiwo Zanu PF kana hurumende havasi ivo vari kumisa sarudzo idzi, asi kuti pari kuteverwa kurudziro yakabva kunyanzvi dzezvehiutano.
Doctor Mavaza vanotiwo Zimbabwe inyika yakazvimirira uye haifanirwe kutevedzera zvaitwa nedzimwe nyika kunyange zvichiisa hutano hwevanhu munjodzi.
Bato reMDC-Alliance riri kuti rakagadzirira kupinda musarudzo dze by-election idzi chero nguva uye rinoti rinoziva kuti rinokunda zvine mutsindo.
Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kanaMDC Alliance yakapinda zvakare musarudzo nezita iri hapana chinozomisa bato reMDC-T kudzinga zvakare vamiriri vanenge vasarudzwa ivavo richishandisa mutemo mumwechete iwoyo warakamboshandisa pakutanga.
Vachipawo maonero avo panyaya yezita iyi, VaMavhinga vanoti zvinogona kuitika zvakare kuti MDc-T inoshandisa mutemo iwoyo kana MDC Alliance yakadzokera zvakare musarudzo nezita iroro, vachitiwo zvakare zvainonetsa kuti vamiriri ava vapinde vari vakazvimirira, sezvo zvichizoita kuti bato iri rinyimwe mari dzinopiwa mapato anenge aine humiriri muparamende.
Asi Doctor Mavaza vanoti MDC Alliance yaikwanisa kunge yakaita kongiresi yayo ichichinja zita, asi haidi kudaro nekuti haizowana mukana wekupomera kuti sarudzo dzabiridzirwa kana ichinge yakundwa neZanu PF.
Facebook Forum