Accessibility links

Breaking News

Matare Okurudzirwa Kutonga Mhosva Achishandisa Madandemutande


Nhengo dzeLaw Society of Zimbabwe
Nhengo dzeLaw Society of Zimbabwe

Sangano reLaw Society of Zimbabwe rinoti riri kukurudzira kuti hurumende ifungisise pamusoro pemhosva dziri mumatare kuti dzitongwe pachishandiswa madandemutande.

Sangano iri rinoti kuramba mhosva idzi dzakaturikwa nekuda kweCovid-19 kuri kuita kuti nyaya dzisati dzatongwa dziwandise uyewo kuti vanhu vatyorerwe kodzero dzavo.

Mutungamiri wesangano iri, VaWellington Magaya, vanoti dzimwe nyika dzakaita seSouth Africa dziri kufambisa mabasa emumatare kunyange hazvo nyika idzi dziri pasi pemutemo we lockdown.

VaMagaya vanoti vakabvira kare vachikurudzira vakuru vematare, kunyanya mutongi mukuri wematare edzimhosva, VaLuke Malaba, kuti vakasike kutora matanho sezvo denda reCovid-19 richaramba riripo kwenguva ndefu.

Asi VaMagaya vanoti hapana chati charatidza kuti kurudziro yavo yakatambirwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMalaba divi ravo panyaya iyi, kanawo gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi.

Matare edzimhosva anonzi pari zvino ari kungonzwa nyaya dzinoda kunzwika nechimbichimbi pamwechete nenyaya dzechibatiso chete senzira yekuderedza kupararira kweCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG