Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inozivisa Kuti Nhomba dzeSinopharm Zviuru Mazana Mashanu Dzosvika neChishanu


Hurumende iri kutarisira nhomba miriyoni nechimbu yeSinopharm neimwe miriyoni yeSinovac kubva kuChina.
Hurumende iri kutarisira nhomba miriyoni nechimbu yeSinopharm neimwe miriyoni yeSinovac kubva kuChina.

Hurumende yazivisa kuti nhomba yekudzivirira Covid-19 inosvika zviuru mazana mashanu yerudzi rweSinopharm yanga ichitarisirwa kupinda munyika nemusi weChina masikati kubva kuChina yave kuzosvika neChishanu.

Nhomba iyi iri panhomba mamiriyoni maviri nechidimbu yeSinopharm neSinovac ziri kutarisirwa kupinda munyika kusvika neMuvhuro svondo rinouya, sezvo miriyoni imwechete yeSinovac iri kutarisirwa kupinda zvakare munyika neMuvhuro.

Bazi rezvehutano razivisa vatori venhau kuti neChishanu kunotarisirwa kusvika nhomba zviuru mazana mashanu, zvimwe zviuru mazana mashanu zvichitarisirwa neMugovera, kuchizoti zvimwe zviuru mazana mashanu zvakare zvotarisirwa neSvondo.

Nhomba idzi dziri kuuya panguva iyo hurumende yakazivisa kuti vanhu zvikamu makumi matatu nechimwe nezviga zvipfumbamwe kubva muzana kana kuti 31.9 percent, vabaiwa nhomba yekutanga nyika yose, kuchitiwo zvikamu makumi maviri nezviga zviviri kubva muzana kana kuti 20.2 percent, zvabaiwawo nhomba yepiri sezvinokurudzirwa.

Hurumende ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuitira kudzivirira kupararira kweCovid-19 munyika.

Nyanzvi mune zvehutano vari mukuru wesangano re#1980 Freedom Movement uye vari nhengo yePOLAD, Dr. Francis Danha, vanoti vanotambira nemufaro matanho ari kutorwa nehurumende mukuwanisa nyika nhomba idzi, vachiti vanokurudzira veruzhinji kuti vachishandisa mukana uyu kuti vabaiwe nhomba yekudzivirira Covid-19 iyi.

Doctor Danha vanotiwo nekupindira kwave kuita vanachiremba vanoshanda vakazvimirira, vanoona tarisiro yehurumende yekubaya vanhu mamiriyoni gumi panopera gore ichibatika.

"Tichitarisa zviri kuitika panguva ino, zvekuti takuchibatanidza ve private sector kuti vakwanisewo kubaya nhomba, vanotora nhomba vachibaya vanhu nhomba, zvinokwanisika kuti patinosvika muna December tinokwanisa kunge tasvika 10 million iri kutaurwa iyi," vanodaro Dr. Danha.

Hurukuro naDr. Francis Danha
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG