Accessibility links

Breaking News

Zim Expo yeGore Rino Yotarisirwa Kutanga kuDallas, Texas, neChishanu


Gungano reZim Expo regore rino riri kuitirwa muguta reDallas mudunhu reTexas muAmerica.

Gungano guru repagore rinounganidza zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nezvinobva kuZimbabwe, reZim Expo, riri kutarisirwa kutanga neChishanu chino richipera neMuvhuro unouya muguta reDallas mudunhu reTexas muAmerica, paine mitambo nezviratidzwa zvakasiyanasiyana.

Gungano iri riri kunanganawo nezororo rezuva revashandi muAmerica, reLabour Day, iro riri kucherechedzwa musi weMuvhuro, 06 Gunyana.

Sachigaro vebhodhi reZim Expo, Doctor Tonderai Tela, vanoti gore rino gungano ravo rakati siyaneyi nemamwe makore sezvo vakabatana pamwechete nemubatanidzwa wemakereke ezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, weChristian Fellowship International, uyo unenge uchiitawo zvirongwa zvawo panguva imwecheteyo navo kwakare kuDallas.

Doctor Tela vanoti zvimwe zvavainazvo gore rino mukana wekuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vakwanise kuzvinzwira pamwe nekubvunza mibvunzo pamusoro pehurongwa hwehurumende hwekuumba mutemo unobata zvizvarwz zvenyika zviri kunze, kana Diaspora Policy, sezvo pachange paine vashandi vehurumende vakamirira nyaya iyoyo.

Vanoti vakakokawo vaimbi vekuZimbabwe vane mukurumbira vane chitsama vanosanganisira Baba Mechanic Manyeruke, Sandra Ndebele, Jah Signal, Tocky Vibes, Mercy Mutsvene nevamwe, avo vachange vachitandadza vanhu neMugovera neSvondo.

Gore rapera gungano reZim Expoharina kuitwa nekuda kwedenda reCovid-19, asi gore rino Doctor Tela vanoti vari kuita vachitevera mitemo yose yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Asi vanoti gore rino hakuna mitambo yenhabvu iyo inosive chimwe chezvinhu zvinofadza vanenge vaungana paZim Expo makore ose, vachiti vakashaya nhandare dzakange dzakasununguka.

Hurukuro naDoctor Tonderai Tela
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG