Accessibility links

Breaking News

Bazi reMedicines Control Authority of Zimbabwe Rinopa Mvumo Yekuti Vana Vabayiwe Nhomba yeCovid-19


Bazi rezvehutano riri mubishi kuita ongororo yekuda kuona kana nhomba yeCovid-19 ichishanda zvakanaka muvana vane makore gumi nemana kusvika gumi nemasere.
Bazi rezvehutano riri mubishi kuita ongororo yekuda kuona kana nhomba yeCovid-19 ichishanda zvakanaka muvana vane makore gumi nemana kusvika gumi nemasere.

Vanoona nezvekushandiswa kwemishonga munyika, veMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ), vanonzi vakapa bazi rezvehutano mvumo yekuti vana vane makore ari pakati pegumi nemana negumi nemanomwe vange vachibaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19.

Mutauriri webazi rezvehutano nekurerwa kwevana, VaDonald Mujiri, vanoti bazi ravo rakatarirwa zviga neMCAZ zvarinofanirwa kutanga razadzisa risati raparura chirongwa chekubaya vana nhomba yeCovid-19 iyi.

Vanoti MCAZ yakakomekedza kuti bazi rehutano ritange raita ongororo inganzi paChirungu Phase 3 clinical trial, yekuona kuti mushonga uyu unoshanda sei muvana vezera iri risati raparura chirongwa ichi.

VaMujiri vanoti pari zvino bazi ravo riri mushishi kuzadzisa zvakatarwa neMCAZ izvi kuitira kuzoparura chirongwa ichi.

Hurumende yakazivisa masvondo maviri adarika kuti vana vemazera aya vave kuzobaiwa nhomba yakakosha iyi, yekudzivirira Covid-19. Pari zvino vanhu vari kubaiwa nhomba dzeavo vane makore anotangira pagumi nemasere zvichikwira.

Mukuru werimwe sangano rinoshanda nenharaunda munyaya dzezvehutano, reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti vanogamuchira zvikuru danho ratorwa neMedicines Control Authority of Zimbabwe iri, vachiti rinobatsira kuchengetedza vana vadiki ava.

VaRusike vanoti vana vane makore ari pasi pegumi nemasere vave kubatwawo zvakare nehutachiwana hunokonzera Covid-19, zvikuru hweseDelta Variant, izvo zvavanoti zvinoisa vana ava munjodzi huru.

asi VaRusike vanoti vana ava vasati vabaiwa kana kupinda muchirongwa chekuongorora kana nhomba iyi ichishanda zvakanaka kumazera avo, vana ava vanofanirwa kutanga vapiwa mvumo nevabereki vavo kana vanovachengeta vasati vabaiwa., sezvo vari pasi pemakore ekuzvimirira.

Hurukuro naVaDonald Mujiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG