Accessibility links

Breaking News

Muzvare Shingi Mangwiro Vanoparura Bepanhau reTudiki, Rakanangana neVana


Shingi Mangwiro's Tudiki Children's Boutique
Shingi Mangwiro's Tudiki Children's Boutique

Nekuona kusavepo kwemapepanhau kana kuti mamagazine akangonangana nenyaya dzine chekuita nevana vadiki muZimbabwe, chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica vari muzvinabhizimusi, Muzvare Shingi Mangwiro, vakatora mukana uyu vakaparura bepanhau ravo rakanangana neboka irori.

Bepanhau iri, iro rinonzi 'Tudiki Magazine', rinowanikwa padandemutande chete, uye rinoburitsa nyaya dzakasiyanasiyana dzinosanganisira dzemhuri, dzevana vadiki kana dzinobva kuvana vadiki, dzevabereki, pamwe nenyaya dzine chekuita nehutano hwevana.

Muzvare Mangwiro vave nezvitoro zviviri zvinotengesa mbatya dzevana vadiki zvinozivikanwa nezita rekuti “Tudiki,”zviri muHarare, chimwe kuWestgate Shopping Mall mumusha weBluffhill, nechimwe chiri paBorrowdale Village Walk.

Vanoti mwedzi uno waNyamavhuvhu wave mwedzi wechitatu kubva pavaparura bepanhau ravo rekutanga, uye vanoti riri kutambirwa zvakanaka chose nevanhu vakawanda, richibatsirawo zvakare kushambadza zvitoro zvavo.

Muzvare Mangwiro vanoti kunyange hazvo ivo vachigara kuno kuAmerica, havana dambudziko pakufambisa mabhizimusi avo kumusha nekuda kwemadandemutande.

"Hazvisi nyore kufambisa mabhizimusi iwe usipo nokuti uripo unongobirwa. Chikuru kungove organised chete, nekuziva kuti zvii zviri kutengeswa muchitoro mako nekuisawo ma measures anoita kuti vashandi vemo vasakubira.

"Kuvabhadhara mari yekuti vanofarawo nayo. zvimwe zvachona kuita ma monthly meetings muchiona kuti bhizinesi riri kufamba seyi, ne stock check inenge yakakosha fani."

Muzvare Mangwiro vanotiwo kushambadza, zvikuru padandemutande, kuti kuvabatsirawo kwazvo kuti vanhu vazive kuti vane zvitoro, vachiti vanhu vakawanda vanovabata vachiti vakaenda kuzvitoro zvavo kuZimbabwe mushure mekuona nezvazvo padandemutande.

Hurukuro naMuzvare Shingi Mangwiro
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG