Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Haisati Yaziva Kuti Zvikoro Zvichavhurwa Riini


Bazi redzidzo yepasi rinoti harizivi kuti zvikoro zvichavhurwa riinhi, uye rinoti richanzwa kubva kumapoka ane chekuita nedzidzo kuti rotevera gwara ripi panyaya yenguva yekudzidza yasara kana zvikoro zvichinge zvazobudirira kuvhurwa.

Kotoro yepiri yaifanirwa kunge yakatanga musi wa 10 Chikumi ichipera musi wa 10 Gunyana asi nekuda kwedenda reCovid-19 hazvisati zvavhurwa.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti bazi ravo rinozoziva chete kuti kotoro yepiri ingamira sei kana chete vanzwa kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti zvikoro zvinovhurwa riinhi.

Zvikoro zvakavharwa pakadzikwa mutemo weCovid-19 Level 4 Lockdown uye VaMnangagwa vakawedzera zvakare mutemo uyu kusvika musi wa 24 Nyamavhuvhu, apo vanotarisirwa kunyevenutsa kana kuwedzera zvakare mutemo uyu.

Nekuda kwekuti nguva yaifanirwa kunge iri yekotoro yepiri yave kutosvika kumagumo, pave netarisiro yekuti zvikoro zvakazovhura chero nguva zvinenge zvangove kuvhurwa kusvika panopera gore muna Zvita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi rimwe sangano rinomirira varairidzi, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe (ARTUZ) rinoti hurumende inofanirwa kutungamira, ichiunza pfungwa itsva kuti zvinhu zvirambe zvichifamba. Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vati hapana nzvimbo muZimbabwe ingatadza kubata masayisayi eredhiyo, televhizhini kana nharembozha kana hurumende ichida kuti zviitike.

VaMasaraure vanoti zvichitevera kutadza kuwirirana mumusangano wakaitwa nemusi weChishanu pakati pevarairidzi nebazi rezvedzidzo, sangano ravo rinokurudzira hurumende kuti iyedze kufungawo dzimwe nzira dzekubatsira kuti vana vaende kuchikoro, vachiti vana vechikoro varasikirwa nenguva yekudzidza yakawandisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG