Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuWard 14 kuUzumba Voramba Kubva Pavagere Kuti Kambani yeHeijin Ichere Matombo


Kanzura veWard 14 kuUzumba, VaFagio Zvondai Marowa
Kanzura veWard 14 kuUzumba, VaFagio Zvondai Marowa

Vagari vemu Ward 14 kuUzumba, mudunhu reMashonaland East, vari kuramba kuti kambani yeHeijin ichere matombo mubhuku rekwaNenzou, vachiti hapana hurongwa hwakajeka kwekuti vanhu vachakanganiswa nehurongwa uhwu vachaendeswa kupi.

Vagari ava vanotiwo chirongwa ichi chichakanganisa zvakawanda zvinosanganisira makuva emadzitateguru avo, minda yavari kurima, mafuro emombe dzavo pamwe nezvikoro.

Kanzura ve Ward 14, VaFagio Zvondai Marowa, vanoti vakatambira matsamba anoratidza kuti kune kambani inonzi Heijin inoda kuchera matombo munzvimbo yavo, asi hapana hurongwa hwekuti vachakanganiswa nekucherwa kwematombo uku vachaitwa sei uye vachaendeswa kupi kunogariswa patsva.

VaMarowa vanoti nekuda kwaizvozvo, ivo sevagari vemuWard 14 havasi kuda uye havasi kuzowirirana nepfungwa yekuti munzvimbo mavo mucherwe matombo.

"Chikonzero chikuru ndechekuti vakati ivo havana kwekuisa vanhu vavachabvisa ipapo. Vakati ibasa rasabhuku, kanzura namambo rekuti vatsvagire vanhu nzvimbo nekanzuru, asi ivo chavo ivo vachaburitsa mari yekuti vanhu vavakirwe dzimba asi vasingazive kuti vanhu vachavakira kupi dzimba. Saka isu tiri kupokana nazvo," VaMarowa vanodaro.

Vanoti sevagari vanoti dai nzvimbo iyi yambosiiwa yakadaro kusvika hurumende pamwe nekambani iyi vabuda pachena kuti vanhu vari kukanganiswa ava vachazoripwa nenzira dzipi.

Mamwe mabhuku anonzi achakanganiswawo nekucherwa kwematombo uku anosanganisira Chimina, Mukonzi, Manyani neGotora.

VaMarowa vanoti kunyange hazvo mutemo uchiti pasi nderehurumende, uye kana pakawanikwa zvicherwa vanhu vanobviswa vachiiswa kumwe, hurumende inosungirwawo nebumbiro remitemo kuti ichengetedze vanhu vayo nekuvatsvagira pamwe pekugara pamwe nekuvandudza hupenyu hwavo.

Misangano yakaitwa pakati pekanzuru, vamiriri vekambani iyi pamwe nevagari inonzi hainawo kuburitsa chimuko.

Kambani yeHeijin inonzi ine zvizvarwa zveZimbabwe pamwe nechimwe chekuChina.

Studio 7 yakundikana kubata vekambani ye Heijin pamwe negurukota rezvemigodhi, VaWinston Chitando kuti tinzwewo mativi avo.

Pataenda pamhepo mukuru wekanzuru yeUzumba-Maramba-Pfungwe, VaAggrey Murandu Kan’an’a vanga vasati vapindura mibvunzo yedu yatavatumira.

Hurukuro naVaFagio Zvondai Marowa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG