Accessibility links

Breaking News

Kuumbwa kweBato Idzva reCitizens' Convergence for Change Kwounza Mutauro Munyika.


Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe nenhengo dzebato rinopikisa reMDC Alliance vanoti vanoona sekunge bato riri kutonga reZanu PF riri kufurufusha MDC Alliance kuburikidza nekuita mabhindauko akasiyanasiyana ekuona kuti bato iri raparara.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti Zanu PF iri kuedza kuparadza bato ravo kuburikidza nemabasa anosanganisira kutorwa kwemuzinda webato iri neMDC-T yaVaDouglas Mwonzora, kudzingwa kwenhengo dzavo muparamende nemakanzuru pamwe nekurambidzwa kuita misanganpo asi iyo Zanu PF ichiita.

Kunyunyuta kweMDC Alliance kunotevera kuziviswa svondo rino kwebato idzva rezvematongerwo enyika rinonzi Citizens’ Convergence for Change, CCC.

VaHlatywayo vanoti MDC Alliance ine hurongwa hwakaparurwa nemutungamiri webato ravo VaNelson Chamisa mukutanga kwegore rino hunonziwo Citizens’ Convergence for Change, CCC, uhwo hwunokokorodza vana veZimbabwe vese pamwechete.

Vanotiwo nyaya yekuti sei vasatoi vave nezita richashandiswa nebatro pasarudzo, zvinhu zvinobva kuvatsigiri vebato ravo sezvo bato ravo riri bato revanhu.

Pamusoro pezvo, vatsigiri veMDC Alliance vanozivikanwa vachishambadza mutungamiri wavo VaChamisa vachiti Chamisa Chete Chete, CCC.

Asi nhengo yeZanu PF mudunhu reHarare VaAlex gakanje vanoti MDC Alliance iri kuvazora mafuta enguruve yavasina kudya sezvo vasineyi nekuumbwa kwebato idzva iri uye bato reMDC Alliance rakawana mavara ari kushandiswa nebato idzva aya aripo nechakare.

VaGakanje vanoti manyepo ekuti bato ravo riri kufarira kuumbwa kwebato reCitizens' Convergence for Change, vachiti vanhu vari kutofara ndeavo vanofarira hutongi hwejereke hunobvumidza kuumbwa kwemamwe mapato anopikisa munyika hwavanoti hwakaunzwa neZanu PF.

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo pamwe naVaAlex Gakanje
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG