Accessibility links

Breaking News

Sarudzo dzeZanu PF Dzinotanga Bato iri Richiramba Kuti Mune Makakatanwa


Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi

Sarudzo dzekutsvaga vachatora zvigaro zvematunhu madiki kana kuti ma district mubato reZanu PF dzatanga neMuvhuro munyika yose panguva iyo mubato riri kutonga iri muchinzi mune kurwisana kukuru panyaya yekutungamira bato.

Matunhu anonzi ane kudhonzerana kukuru anoti Masvingo, Mashonaland Central, Mashonaland East neManicaland.

Srudzo idzi dzinonzi ndedzekuzadzisa zvigaro zvose zvemumatunhu madiki aya kana kuti ma district, kubva kuna sachigaro kusvika kumunyori.

Kana sarudzo dzematunhu madiki idzi dzapera kuitwa, bato iri richapinda zvakare mune dzimwe sarudzo dzekutsvaga vachatora zvigaro zvematunhu makuru kana kuti ma province, pashure richizoita musangano waro wepagore kuBindura mudunhu reMashonaland Central muna Gumiguru gore rino.

Politiburo yeZanu PF yasanganawo muHarare masikati kuti izeye zvimwe zvezvinhu zvinonzi zviri kuitika mubato iri pamwe nesarudzo idzi.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti sarudzo idzi, idzo dzichaitwa kwesvondo rose, dzatanga zvakanaka chose mumatunhu ose.

Asi VaMugwadi vanoramba mashoko ekuti mubato ravo mune kusawirirana kunotyisa vachiti kukwikwidzana hakurevi kurwisana.

Zvichakadaro, mumwe mutevedzeri wemutauriri webato guru rinopikisa reMDC Alliance VaFelix Magalela Mafa vanoti bato ravo riri kushamisika kuti Zanu PF iri kubvumidzwa kuita sarudzo nemisangano asi nhengo dzavo dzichisungwa dzichinzi dziri kutyora mitemo yecovid-19.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG