Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Ine Varairidzi Vakawanda Zvekupa Dzimwe Nyika muAfrica


VaObert Masaraure
VaObert Masaraure

Bazi redzidzo yepasi rinoti rine varairidzi vakawandisa zvekuti Zimbabwe inokwanisa kuwanisawo dzimwe nyika dzemuAfrica varairidzi vadzinoda.

Izvi zvinotevera mashoko emutungamiri weRwanda VaPaul Kagame ekuti nyika yavo inoda kupinza mabasa zviuru zvevarairidzi vemuZimbabwe senzira yekusimudzira dzidzo yenyika yavo.

FILE - Rwanda's President Paul Kagame addresses a news conference in Kigali, Rwanda, April 8, 2019.
FILE - Rwanda's President Paul Kagame addresses a news conference in Kigali, Rwanda, April 8, 2019.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti zvikoro zvinodzidzisa varairidzi zviri kubura vadzidzisi vemhando yepamusorosoro gore roga roga izvo zvinoita kuti vadiwe nedzimwe nyika.

VaNdoro vanoti nyika ine varairidzi vakawandisa chose zvekuti vamwe vakapedza zvidzidzo zvavo kumakore a2018, 2019 na2020 vachakatomirira kuti vapinzwe pamabasa.

VaKagame vakataura mashoko aya svondo rino kumusangano wekutanga wekutengeserana pakati penyika mbiri idzi, weRwanda Zimbabwe Trade and Investment Conference, uyo wakapetwa nemusi weChina muKigali, guta guru reRwanda.

Zimbabwe yaimirirwa kumusangano uyu nechikwa chaitungamirwa negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava.

Asi mutungamiri werimwe sangano revarairidzi, re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti kunyange hazvo mashoko aVakagame achifadza varairidzi, Zimbabwe haikwanise kupa dzimwe nyika varairidzi.

VaMasaraure vanoti Zimbabwe inotoda vamwe varairidzi vangangosvika kuzviuru makumi mapfumbamwe (90 000) kuti ikwanise kugutsa zvikoro zvayo zvose.

Hurukuro naVaTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG