Bato rinopikisa reMDC-T rinoti rinoshoropodza danho rehurumende rekuchengeta mabharani mukuru wenyika kana kuti Registrar-General, VaTobaiwa Mudede pabasa kunyange hazvo makore avo ekuenda pamudyandigere akakwana kare.
Vashandi vehurumende vanoti vari kufara chose nebhajeti rakaturwa muparamende nezuro negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, iro rakaisa chikamu chemari yakawanda ichashandiswa nehurumende kumihoro yevashandi.
Mapato anopikisa emunyika anoti achakasimba sezvaaive akaita hurumende yevaive mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe isati yapidigurwa nemauto, izvo zvakazosimudza VaEmmerson Mnangagwa kukwira kuve mutungamiri wenyika.
VaKunaka vanoti pakasvika varume ava, ivo vakanga vasiri pamba pavo izvo zvakazoita kuti varume ava varove zvakaipisisa mudzimai wavo, pamwe nekuparadza midziyo yavo.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kunze kwenyika zviri kukurudzirana kutanga mabhizimusi kumusha zvichitevera kushanduka kwehutungamiri muhurumende.
Nhengo yebato rinopikisa rePeople’s Democratic Party, VaSettlement Chikwinya, vakabatsira neMuvhuro vamwe vagari vemuKwekwe nekusungisa masoja anonzi ainetsa pamwe nekutyora kodzero dzevanhuwo zvavo mudunhu reMidlands.
Vanotengesera mumigwagwa vanonzi nhasi vaswera vachiita hwakiti nagonzo nemapurisa ekanzuru, mapurisa eZimbabwe Republic Police, pamwe nemauto, avo vari kurwisa kuda kuburitsa vanotengesera mumigwagwa kubva mukati meguta.
Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vatoresa mhiko makurukota ehurumende yavo kusanganisira makurukota anomirira matunhu pamwe nemuchuchusi mukuru.
Vamwewo anoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kubato reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti vanhu ngavarege kukasika kumedza kutsenga vachada sezvo VaMnangagwa vachangotanga basa vasati varatidza nyika zvavakapfumbata.
Mutauriri weZanu PF, Ambassador Simon Khaya-Moyo vaudza bepanhau reSunday Mail kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vane shoko rekupedzisira pakudomwa kwevatevedzeri vavo.
Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva revakaremara, reInternational Day of Persons with Disabilities, vakaremara vachiti kunyange vachicherechedza zuva iri, hapana zvikuru zviri kuitwa nehurumende kurerutsa hupenyu hwavo
Hurumende inoti iri kuvandudza mutemo wekuendeswa kweupfumi kuvatema kuti ufambidzane negwara rezvekuendeswa kweupfumi kuvatema.
VaMakusha, vanove zvakare nhengo yesangano revana veZimbabwe vari kunze kwenyika, re Zimbabwe Diaspora Network North America, ZDNNA, vanoti Zimbabwe haifanirwe kudzokorora mhosho dzaivepo dzekupa masimba akawandisa kumunhu mumwe chete.
Mumashoko avatumira kuvatori venhau, mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu vanoti hapana nhaurirano dzine makomborero ebato ravo dziri kuitwa naVaTsvangirai, kana nani zvake achimirira bato ravo.
Zuva rekunyorera kumutsiridza magwaro aya padandemutande rekugumisira musi wa 30 Mbudzi 2017, asi vanhu vane kusvika kupera kwaNdira gore rinouya kuti vaendese magwaro anodiwa.
Mutungamiri wenyika mutsva, Vaemmerson Mnangagwa vanoti sedanho rekutanga rekuti mari neupfumi zvakabuditswa munyika zviri kunze kwemutemo zvidzoke, hurumende yavo icharegerera vakaburitsa mari ava.
Vamwe vedzisvondo vanoti vanotambira nemufaro chiitiko chekuchinjanwa kwemasimba ekutungamira nyika chakaonekwa muZimbabwe svondo rapera, apo vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe vakabvuma kusiya chigaro mushure mekupindira kwemauto.
Bato rinopikisa reMDC-T rinoti harisi kuzocherechedza zuva rekuberekwa kwevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, iro rakatarwa nehurumende kuti rive zororo kutanga gore rinouya.
Mumashoko avo ekutambira kugadzwa kwavo semutungamiri wenyika, VaMnangagwa vavimbisa kuwanisa vanhu mabasa uye kuvandudza mitemo inobvumidza vekunze kutanga mabhizimusi munyika.
Mhuri yemurwiri wekodzero akatsakatika, VaItai Dzamara, inoti inonzwa kufara nekuona nyika yose ichitaura nezwi rimwechete rekuti vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasiye basa, rinove ndiro shoko rakatanga kutaurwa naVaItai kubva muna 2014.
Rodhai zvimwe