Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yotarisirwa Kudoma Vatevedzeri veMutungamiri weBato neNyika kuKongiresi


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Bato reZanu PF rinoti richadoma vatevedzeri vemutungamiri webato pamwe nenyika kumusangano mukuru wekongiresi uri kuitwa mwedzi uno.

Mutauriri weZanu PF, Ambassador Simon Khaya-Moyo vaudza bepanhau reSunday Mail kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vane shoko rekupedzisira pakudomwa kwevatevedzeri vavo.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti vanoona sekunge musangano mukuru uyu uchadoma vanhu vane nhoroondo yechiuto sevatevedzeri vemutungamiri wenyika.

Doctor Zhou vanoti kana bato iri rakatevedzera nhoroondo yemubatanidzwa wepamto eZanu PF nePF Zapu, vanoona pachisarudzwa mumwe mutevedzeri anobva kuPF Zapu pakati paVaDumis Dabengwa, VaKembo Mohadi kana VaAmbrose Mutinhiri.

Vanoti kunyange hazvo vaDabengwa vakabuda muZanu PF, vanogona kudzorwa naVaMnangagwa senzira yekusimbisa hukama pakati pevaive varwi vehondo yerusunguko vanobva kumapato maviri aya.

Asi Doctor Zhou vanotiwo kana bato iri rakada kudzokera kuzvisungo zva2014, panogona kudomwa munhkadzi semumwe wevatevedzeri, kunyange hazvo pasina vane nhoroondo yakakura yeChimurenga kubva kuPF Zapu vasara mubato iri.

Vatungamiri vachasharwa ava vachange vachitsiva VaMnangagwa, avo vakanga vadzingwa mubato reZanu PF, pamwechete naVaPhelekezela Mphoko, avo vakabviswa pachigaro nehurumende itsva yaVaMnangagwa.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG