Accessibility links

Breaking News

Mapato Anopikisa Anoti Achakasimba Kukwikwidzana neZanu PF


Vatungamiri vemapato anopikisa vakabatana kuumba mubatanidzwa weMDC Alliance.
Vatungamiri vemapato anopikisa vakabatana kuumba mubatanidzwa weMDC Alliance.

Mapato anopikisa emunyika anoti achakasimba sezvaaive akaita hurumende yevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, isati yapidigurwa nemauto, izvo zvakazosimudza VaEmmerson Mnangagwa kukwira kuve mutungamiri wenyika.

Mutauriri webato reNational Constitutional Assembly, VaMadock Chivasa, vanoti chavatarisana nacho pari zvino inyaya yekugadzirira sarudzo dziri kuitwa munyika gore rinouya, idzo bato ravo richakwikwidza, kubva kumutungamiri wenyika kusvika kumakanzura.

Asi vanoti zvinhu zvavagara vachichema nazvo zvakaita sebumbiro remitemo vachagara vachirwisana nazvo.

Ukuwo mutauriri weMDC inotungamirirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vanotiwo kwese kumubatanidzwa weMDC Alliance nebato ravo reMDC havasi kurara vachizvishambadza senzira yekugadzirira sarudzo dzegore rinouya.

VaChihwayi vanotiwo havaoni paine dambudziko guru panyaya yebumbiro remitemo sezvo rakaumbwa nevana veZimbabwe, kunyange hazvo vari kurwisa kuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe.

Asi vamwe vanoti vanoona sekunge mapato anopikisa apera marasha kubva pakauya hurumende yaVaMnangagwa, izvo zvave kuita kuti vafunge kuti Zanu PF inogona kunge isisina vanoipikisa vakasimba.

Hurukuro naVaMadock Chivasa pamwe naVaKurauone Chihwayi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG