Accessibility links

Vamwe veDzisvondo Votambira VaMnangagwa seMutungamiri Mutsva

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika mutsva VaEmmerson Mnangagwa

Vamwe vedzisvondo vanoti vanotambira nemufaro chiitiko chekuchinjanwa kwemasimba ekutungamira nyika chakaonekwa muZimbabwe svondo rapera, apo vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe vakabvuma kusiya chigaro mushure mekupindira kwemauto.

Vaive mutewedzeri wavo vavakazodzinga, VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakazogadzwa semutungamiri wenyika mutsva nemusi weChishanu chapera.

Mumwe wevechitendero vataura neStudio 7, ndiFather William Guri vekereke yeRoman Catholic Church. Father Guri vanoti mumakore makumi matatu nemanomwe VaMugabe vari pachigaro pane zvinhu zvakawanda zvakatadza kubudirira kuburikidza nematongero avo.

Asi Father Guri vanokasikawo kuyambira vana veZimbabwe kuti vasarare nezamu mumukanwa, vachitadza kuita zvavanosungirwa nebumbiro remitemo kuti vaite vachizvisiira kune vechitendero.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG