WASHINGTON D.C. —
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muno muAmerica, VaGolden Makusha, vanoti kunyange hazvo muzimbabwe maita shanduko yehutungamiri, vanhu vanofanirwa kuenda mberi zvine hungwaru, sezvo paine zvakawanda zvakakanganiswa nehurumende yevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe zvinoda kugadziriswa.
VaMakusha, vanove zvakare nhengo yesangano revana veZimbabwe vari kunze kwenyika, re Zimbabwe Diaspora Network North America, ZDNNA, vanoti Zimbabwe haifanirwe kudzokorora mhosho dzaivepo dzekupa masimba akawandisa kumunhu mumwe chete.
Vanotiwo hurumende itsva yaVaEmmerson Mnangagwa ine basa guru kwazvo rekurwisana nehuwori uye kuremekedza bumbiro remitemo.
Facebook Forum