Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoshoropodza Danho reHurumende reKucgengeta VaMudede paBasa


Mabharani mukuru wenyika VaTobaiwa Mudede
Mabharani mukuru wenyika VaTobaiwa Mudede

Bato rinopikisa reMDC-T rinoti rinoshoropodza danho rehurumende rekuchengeta mabharani mukuru wenyika kana kuti Registrar-General, VaTobaiwa Mudede pabasa kunyange hazvo makore avo ekuenda pamudyandigere akakwana kare.

Sachigaro weMDC-T mudunhu reNorth America, VaDen Moyo, vanoti kwemakore akawanda vana veZimbabwe vakachemedzwa nemabatirwo anoitwa basa naVaMudede, zvikuru munguva yaibatwa gwaro revavhoti nehofisi yavo.

Vanotiwo vamwe vanhu vakashaya kare kare vaiwanikwa pamagwaro ekuvhota, mamwe mazita achiwanikwa ruviri kana rutatu, zvekuti vanokatyamadzwa kuti sei hurumende iri kuda kuramba yakabatira pavari.

Bepanhau reHerald rinoti gurukota idzva rezvemabasa nevashandi Amai Petronella Kagonye vakaudza dare reparamende svondo rapera kuti kunyange hazvo VaMudede vasvika makore ekuenda pamudyandigere, hapana kwavari kuenda sezvo hurumende ichiri kuda hunyanzvi hwavo.

“Hapana hunyanzvi hunoshamisira hunganzi huri kuchengeterwa VaMudede, pachitariswa kukanganisa kwavaiita basa, zvikuru pakuvhotesa vanhu vakafa,” VaMoyo vanodaro.

Vanotiwo vanoona sekunge VaMudede vakarerekera zvakanyanya kubato riri kutonga reZanu PF, izvo vanoti zvinozoita kuti vasaita basa ravo nemazvo.

Vanoti sebato vakafadzwa zvikuru nekusiya basa kwevaive sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, vachiti vana veZimbabwe vaichemawo zvikuru nemafambisirwo aiitwa basa neZEC iri pasi paAmai Makarau.

Hatina kukwanisa kubata Amai Kagonye, kanawo VaMudede panyaya iyi.

Hurukuro naVaDen Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG