Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Exiles Forum Yojekesa Zvekuita neChirongwa cheZimbabwe Exemption Permit


Chirongwa cheZimbabwe Special Permit chiri kupera kushanda musi wa 31 Zvita 2017.
Chirongwa cheZimbabwe Special Permit chiri kupera kushanda musi wa 31 Zvita 2017.

Hurumende yeSouth Africa yakawedzera kusvika musi wa 31 Ndira gore rinouya kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zvakanyorera kumutsiridza magwaro azvo pasi pechirongwa cheZimbabwe Exemption Permit zvikwanise kuendesa magwaro anotsigira chikumbiro chazvo chekugara munyika iyi.

Zuva rekunyorera kumutsiridza magwaro aya padandemutande rekugumisira musi wa 30 Mbudzi 2017.

Asi vanhu vapihwa kusvika kupera kwaNdira gore rinouya kuti vaendese magwaro anodiwa.

Chirongwa cheZimbabwe Exemption Permit chiri kutsiva che Zimbabwe Special Permit chakaparurwa muna 2014, icho chiri kupera kushanda musi wa 31 Zvita 2017.

Mukuru wesangano reZimbabwe Exiles Forum, Advocate Gabriel Shumba, vanoti vana veZimbabwe vari kumutsiridza magwaro avo aya vanofanirwa kunzwisisa kuti chakawedzerwa inguva yemagwaro chete, kwete kunyoresa.

Advocate Shumba vanoti zvakakosha zvikuru kuti vanhu vanzwisise izvozvo, sezvo vamwe vatotanga kare kuratidza kuti vari kufunga kuti nguva yekunyorera magwaro ndiyo yawedzerwa.

Vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zviri kuteverawo nemaziso matsvuku zviri kuitika kumusha kubva pakashanduka hutungamiri hwehurumende.

Hurukuro naAdvocate Gabriel Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG