Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobatana nePasi Rose kuCherechedza Zuva reVakaremara


Zuva revakaremara rinocherechedzwa gore rogaroga musi wa 3 Zvita pasi rose
Zuva revakaremara rinocherechedzwa gore rogaroga musi wa 3 Zvita pasi rose

Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva revakaremara, reInternational Day of Persons with Disabilities, vakaremara vachiti kunyange vachicherechedza zuva iri, hapana zvikuru zviri kuitwa nehurumende kurerutsa hupenyu hwavo.

Nhengo yesangano revakaremara reNational Council of Disabled Persons of Zimbabwe, uye vakaremara, Amai Farai Cherera, vanoti zuva iri izuva rakakosha zvikuru kuvanhu vakaremara sezvo riri zuva rekutarisa budiriro munyaya dzevakaremara, matambudziko avanosangana nawo, uye kuti ndezvipi zvavakakwanisa kuita zvakabudirira.

Vanoti chikuru chakasangana nevakaremara mugore rapera ra2016 hurombo pamwe nekutarisirwa pasipasi neveruzhinji, asi vanotarisiwo kuti zvinhu zvichashanduka nekuvepowo kwehurumende itsva yaVaEmmerson Mnangagwa.

Bato reMDC-T, ratumirawo mashoko ekuti rinobatanawo nepasi rose uye zuzhinji rwevana veZimbabwe mukucherechedza zuva revakaremara iri.

Mutauriri webato iri VaObert Gutu, mumashoko avo kuvatori venhau, vati sebato rinorwira hutongo hwejekerere, MDC-T inoshushikana zvikuru nemabatirwo evanhu vakaremara.

Vati sebato, itarisiro yavo yekuti vakaremara vasasemwa uye kusarurwa, kungava kuzvikoro, kudzimba kana kumabasa, sezvo vakawanda vakaremara vakaratidza kuti vanoziva nekugona zvose zvinoitwa nevamwe kuburikidza nekubudirira kwavo mune zvakasiyanasiyana.

Hurukuro naAmai Farai Cherera
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mamwe masangano anomirira vanhu vakaremera akatambira nemufaro kudomwa kwaVaJoshua Malinga sachipanganzano kumutungamiriri wenyika panyaya dzevakaremera, achiti anovimba kuti izvi zvichabatsira kugadzirisa matambudziko avanosangano nawo zuva nezuva.

Munyori wesangano reLawyers with Disabilitiues Association of Zimbabwe, VaAbraham Mateta, vanoti VaMalinga munhu agara achirwira kodzero dzevakaremera kwenguva yakareba uye vanotarisira kuti vachaita basa ravo nemazvo muhurumende.

Vati zvinofadza kuti VaMnangagwa vakadoma munhu akaremera pachinzvimbo ichi vachiti izvi zvinobatsira chose nekuti vanonzwisisa zvinonesta vanhu vakarememera munyika.

VaMateta vaudza Studio 7 kuti vanotarisirwa kuti kudomwa kwaVaMalinga kuchaitawo kuti vanhu vakaremera munyika vafarire kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vaenderera mberi vachiti vanotarisira kuti VaMalinga vachashanda nesimba kuona kuti mutemo weDisabled Persons Act watevedzwa pamwe nekuona kuti padomwa mukuru anoona nezvevakaremera mubazi rezvevashandi nekuchengetedzwa kwakanaka kwwevanhu.

Mukuru we sangano reCentre for Disability and Development, VaMasimba Kuchera vaudza Studio 7 kuti vanovimba kuti kudomwa kwaVaMalinga kuchaunza shanduko vachiti kunyange hazvo hurumende yaVaMugabe yaive nanachipangamazano panyaya dzevakaremera hapana chakabuda panguva yehutongo hwavo.

VaMalinga munyori anoona nezvevakaremara muPolitiburo yebato reZanu PF uye munhu ane ruzivo rwakadzama panyaya dzevakaremara.

Vanhu vakaremera munyika vachemachema kuti vanotarisirwa pasi uye hurumende haisi kushanda nesimba kuvasimudzira pamwe nekuvapa mukana sevamwewo vanhu.

Bumbiro remutemo wenyika rinopa zvigaro zviviri muparamende kuvevanhu vakaremara.

Nyaya ina Godwin mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG