Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vanotoresa Mhiko Makurukota Avo


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vatoresa mhiko makurukota ehurumende yavo kusanganisira makurukota anomirira matunhu pamwe nemuchuchusi mukuru.

Vachitaura mushure mekutoresa mhiko makurukota ehurumende yavo, VaMnangagwa vati vagadza makurukota awa kuti vapedzise nguva yehurumende yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe (term).

VaMnangagwa vati kunyangwe zvazvo mumazuva mashoma avatora hutungamiriri zvinhu zvakaoma, vati nechikwata chavo vane chivimbo chekukunda vakakurudzirawo kubatana nerunyararo munyika.

Vagadzwa segurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo vati vari kutarisira kusimudzira kugadzirwa kwemigwagwa, kumutsidzira kambani yeNational Railways of Zimbabwe pamwe nekambani yeAir Zimbabwe. VaGumbo vaudza Studio 7 kuti vari kutarisira kuwana rubatsiro kubva kune dzimwe nyika nekuchinja kwakaita mutungamiriri wenyika.

Izvi zvatsigirwawo negurukuta rezvehutano nekuchengetedzwa zvakanaka kwevana, Doctor David Parirenyatwa, avo vatiwo vane chivimbo chekuti kuchinja kwehurumemde kuchabatsirawo nyika kuwana mari. Doctor Parirenyatwa vati mari ikapinda munyika zvinhu zvichareruka munyaya dzezvehutano.

Gurukota rezvebazi rinoona nezvemukati menyika VaObert Mpofu vatiwo zvinhu zvavachatanga kugadzirisa mubazi ravo inyaya yehuwori, maroadblocks pamwe nekugadzirisa hukama pakati pemapurisa neruzhinji rweZimbabwe.

VaMnangagwa vakavandudza dare remakurukota avo neMugovera mushure mekunge vambodoma makurukota gumi asina zvigaro muparamende, asi bumbiro remitemo richivapa masimba ekudoma vanhu vashanu chete.

Makurukota ehurumende yaVaMnangagwa aya akatambirwa zvakasiya-siyana munyika vamwe vachigutsikana navo, asi vamwewo vachinyunyuta.

Nyaya ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, bato reMDC rinotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti nhengo dzedare remakurukota dzatoreswa mhiko dzine basa guru kwazvo rekuona kuti nyika yadzokera painofanirwa kunge iri.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu vanoti zvinhu zvose munyika zvakafa zviri pasi pehurumende yevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe nebato ravo reZanu PF.

VaGutu vanoti mutoro mukuru uri pagurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa kuona kuti mari dzawanikwa kumabhanga, uye gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJorum Gumbo, sezvo migwagwa yose yemunyika yaparara.

VaGutu vanotiwo makurukota ekutongwa kwematunhu akadomwa naVaMnangagwa akadomwa zviri kunze kwemutemo, sezvo bumbiro idzva richiti bato rakawana mavhoti akawanda mudunhu iroro ndiro rinosungirwa kudoma gurukota redunhu iroro.

Vanotiwo havaoni makurukota ematunhu aya achiunza shanduko kana budiriro sezvo vazhinji vavo vakambove magavhuna asi vasina chavakaburitsa.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG