Accessibility links

Breaking News

Va Jim Kunaka Vanoti Mhuri Yavo Yakarwiswa neChitatu Manheru muMbare


VaJim Kunaka
VaJim Kunaka

Vaimbove mukuru wevechidiki muZanu PF mudunhu reHarare, uye vari nhengo yeZanu PF, VaJim Kunaka, vanoti mhuri yavo yakarwiswa neChitatu manheru pamba pavo mumusha weMbare nevarume vashanu vaive vakapakatira pfuti, avo vakati vaitsvaga VaKunaka mbune.

VaKunaka vanoti pakasvika varume ava, ivo vakanga vasiri pamba pavo izvo zvakazoita kuti varume ava varove zvakaipisisa mudzimai wavo, pamwe nekuparadza midziyo yavo.

Vanoti mangwanani ezuva iri vakatambira nharembozha kubva kune mumwe munhu avasingagoni kutaura nezita rake, achiti vasangane vakurukure kunetsana kwavanogara vachiita vachirwira nzvimbo dzekutengesera muguta.

Asi VaKunaka vanoti havana kuda kuenda kunosangana nemunhu uyu sezvo vakanyumwa kuti kuvatsvaga uku kwaive kuda kubata chokwadi kuti vaivepi.

Mumwe wavanoti vanofungidzira kuti ane chekuita nekurwiswa kwemhuri yavo, munhu avari kuda kukwikwidzana naye musarudzo mune rimwe dunhu, wavanoti anogona kunge ari iye ari kuvaisira zvimiti munzira yavo.

Vanoti havasati vaenda kumba kwavo kuti vanoona kuti zvii zvakaparadzwa, sezvo vachiri kutyira hupenyu hwavo.

Asi vanoti zvinogona kunge zviine chekuita nekunetsana kwezvikwata zviri muZanu PF. Zvikwata zveG40 neLacoste muZanu PF zvainetsana, izvo zvakasvitsa kuti vamwe vatize munyika.

Aka hakasi kekutanga kuti VaKunaka varwiswe.

Muna 2014 VaKunaka vakambopambwa nevanhu vasingazivikanwe vakarohwa zvakaipisisa vakasiya vakandwa mune kamwe kasango kari pedyo nemugwagwa weSeke Road.

VaKunaka mbune vaipomerwawo mhosva dzakawanda dzemhirizhonga vachinzi vaitungamira chikwata cheChipangano.

Hurukuro naVaJim Kunaka
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG