Accessibility links

Breaking News

VeMabhizimusi Votambira neMufaro Vimbiso yaVaMnangagwa


VaMnangagwa vavimbisa kuwanisa vanhu mabasa uye kuvandudza mitemo inobvumidza vekunze kutanga mabhizimusi munyika
VaMnangagwa vavimbisa kuwanisa vanhu mabasa uye kuvandudza mitemo inobvumidza vekunze kutanga mabhizimusi munyika

Mutungamiri wesangano ravana muzvinabhizimusi, reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanoti vanotambira nemufaro vimbiso yaitwa nemutungamiri wenyika mutsva, VaEmmerson Mnangagwa, yekuti vachashanda mukuona kuti mabhizinesi matsva avhurwa munyika.

VaMufukare vanoti vanotarisira kuti kuti izvi zviitike, hurumende yaVaMnangagwa inofanirwa kutanga zvakare kudyidzana nedzimwe nyika dzakanga dzagura hukama munguva yehutongi hwaVaMugabe.

Mumashoko avo ekutambira kugadzwa kwavo semutungamiri wenyika, VaMnangagwa vavimbisa kuwanisa vanhu mabasa uye kuvandudza mitemo inobvumidza vekunze kutanga mabhizimusi munyika.

Vavimbisawo kuti vacharwisa huwori, asi VaMufukare vanoti vachamirira kuona kuti VaMnangagwa vanobudirira here, sezvo huwori huri ihwo chinhu chikuru chadzosera nyika kumashure.

Hurukuro naVaJohn Mufukare
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG