Mutungamiri wesangano ravana muzvinabhizimusi, reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanoti vanotambira nemufaro vimbiso yaitwa nemutungamiri wenyika mutsva, VaEmmerson Mnangagwa, yekuti vachashanda mukuona kuti mabhizinesi matsva avhurwa munyika.
VaMufukare vanoti vanotarisira kuti kuti izvi zviitike, hurumende yaVaMnangagwa inofanirwa kutanga zvakare kudyidzana nedzimwe nyika dzakanga dzagura hukama munguva yehutongi hwaVaMugabe.
Mumashoko avo ekutambira kugadzwa kwavo semutungamiri wenyika, VaMnangagwa vavimbisa kuwanisa vanhu mabasa uye kuvandudza mitemo inobvumidza vekunze kutanga mabhizimusi munyika.
Vavimbisawo kuti vacharwisa huwori, asi VaMufukare vanoti vachamirira kuona kuti VaMnangagwa vanobudirira here, sezvo huwori huri ihwo chinhu chikuru chadzosera nyika kumashure.
Facebook Forum