Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti Kwete kuRobert Mugabe Youth Day


Vaive mutungamiri wenyika, Varobert Mugabe
Vaive mutungamiri wenyika, Varobert Mugabe

Bato rinopikisa reMDC-T rinoti harisi kuzocherechedza zuva rekuberekwa kwevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, iro rakatarwa nehurumende kuti rive zororo kutanga gore rinouya.

VaMugabe vakaberekwa musi wa 21 Kukadzi muna 1924, uye vechidiki vebato ravo reZanu PF vagara vachikurudzira kuti zuva iri rive zororo nyika yose.

Zuva iri ranga richicherechedzwa nebato reZanu PF pachishandiswa mari dzakawanda chose, dzaigara dzichinyunyutwa nevemapato anopikisa kuti kutambisa mari veruzhinji vachinonga svosve nemuromo.

Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti kuita kwakadai kunodzorera nyika kumashure sezvo makambani anofanirwa kunge achishanda mukumutsiridza hupfumi hwenyika achange achivharwa pazuva iri.

VaMwonzora vanotiwo iyi ndiyo mhosho yekutanga yaitwa nemutungamiri wenyika mutsva, VaEmmerson Mnangagwa ivo vachangotanga basa semutungamiri wenyika.

Vanoti sebato vakagara vakashoropodza nyaya yekucherechedza kana kupemberera zuva rekuberekwa kwemunhu, nekuti panzi wese mhunu atungamira nyika apiwe zuve rezororo, nyika inogumisira yangove yemazororo.

VaMwonzora vanoti VaMugabe vane zvikoro, migwagwa nenhadhare yendege zvine mazita avo nechakare, zvekuti havaoni chikonzero chekuti pave nezororo muzita ravo.

MDC-T nemamwe mapato anopikisa vagara vachiramba danho revechidiki veZanu PF rekuti zuva rekuberekwa kwaVaMugabe riitwe zororo, asi hurumende inoti yakatora danho iri zvichitevera chikumbiro chakabva kune vechidiki vebato iri.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG