Accessibility links

Breaking News

Masoja Akashungurudza Vanhu kuKwekwe Otarisirwa Kurangwa


Mamwe mauto anonzi ave kuisa mutemo mumaoko avo vachishungurudza vanhu
Mamwe mauto anonzi ave kuisa mutemo mumaoko avo vachishungurudza vanhu

Nhengo yebato rinopikisa rePeople’s Democratic Party, VaSettlement Chikwinya, vakabatsira neMuvhuro vamwe vagari vemuKwekwe nekusungisa masoja anonzi ainetsa pamwe nekutyora kodzero dzevanhuwo zvavo mudunhu reMidlands.

VaChikwinya vanoti vakakwanisa kuita izvi kuburikidza nesdanho rakatorwa nemauto rekuburitsa nhamba dzenhare dzekuti veruzhinji vanogona kufona vasingazivikanwe vachimhang’ara kutyorerwa kodzero dzavo kunenge kuchiitwa nemauto.

Vanoti vakamboedza kuti vanhu vakashungurudzwa nemauto ava vamhang'are kumapurisa, asio mapurisa akati akatorerwa masimba nemauto, izvo zvakazoita kuti vashinge kuenda kumauto.

Mauto anonzi akashambadza nhamba dzinoti 0712 223 65 95 ne 0712 961 451 kuti dzishandiswe mukumhang’ara uku.

VaChikwinya vanoti mushure mekufona manhamba idzi, vakanzi vaende kumahofisi emauto e 5 Brigade HQ ekuBattlefields.

Vanoti vakazoenda nemumwe wevanhu vakashungurudzwa nemauto vakanokwanisa kumhang’ara nyaya yavo, uye vakabatwa zvakanaka chose.

VaChikwinya vanoti vanofadzwa kwazvo nedanho remauto iri rekuedza kugadzirisa chimiro chawo uye hukama neveruzhinji.

Hurukuro naVaSettlement Chikwinya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG