Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Ipai Nguva VaMnangagwa Pane Kuvashora


VaEmmerson Mnangagwa, Harare, 24 novembre 2017.

Mutungamiri wenyika mutsva, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kutoresa mhiko neMuvhuro makurukota avo avakadoma svondo rapera.

VaMNangagwa vari kuita izvi kunyange hazvo paine maonero akasiyanasiyana pamusoro pedare remakurukota iri.

Vamwe vane maonero ekuti makurukota aya vanhu vakaratidza kukundikana kwavo kare sezvo vakashanda muhurumende yevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiti hapana zvitsva zvavachaita.

Vamwewo vanoti kutora masimba kwakaitwawo naVaMunangagwa munongedzowo wekuti hapanawo zvitsva zvinotarisirwa kuhurumende yaVaMnangagwa avo vakashanda naVaMugabe muhurumende kwemakore makumi matatu nemanomwe.

Asi vamwewo anoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kubato reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti vanhu ngavarege kukasika kumedza kutsenga vachada sezvo VaMnangagwa vachangotanga basa vasati varatidza nyika zvavakapfumbata.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG