Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanotambira neMufaro Bhajeti reGore Rinouya


Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa.

Vashandi vehurumende vanoti vari kufara chose nebhajeti rakaturwa muparamende nemusi weChina negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, iro rakaisa chikamu chemari yakawanda ichashandiswa nehurumende kumihoro yavo.

VaChinamasa vakazivisa kuti nyika inotarisirwa kushandisa mari inoita mabhiriyoni mashanu nemiriyoni imwe chete yemadhora mugore ra2018.

Pamari iri kutarisirwa kushandiswa nehurumende iyi, zvikamu zvinodarika zvishoma makumi matanhatu kubva muzana zvinotarisirwa kuenda kumihoro yevashandi vayo.

VaChinamasa vakazivisawo kuti hurumende ichaisa parutivi mari inoita $176 million ichashandiswa mukubhadhara vashandi vayo mabhonasi avo egore rino, kunyange hazvo vachizowana mari idzi mumwedzi yakasiyana.

Sachigaro wesangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, Amai Cecilia Alexander, vanoti bhajeti iri rarakidza kuti hurumende inokoshesa vashandi vayo.

Panyaya yekumiswa kwevechidiki mabasa vanodarika zviuru zvitatu, Amai Alexander vanoti vanotarisirawo kuti hurumende yaifanirwa kutanga yagarawo navo pasi kuti vaone nzira dzekuvamisa nadzo mabasa vari pamwe chete.

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG