Accessibility links

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze Zvokurudzirana Kunotanga Mabhizimusi Kumusha

  • Jonga Kandemiiri

Nyanzvi mune zvemabhizimusi, vari mukuru wekambani yeCentury Business Academy, VaMartin Guni

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kunze kwenyika zviri kukurudzirana kutanga mabhizimusi kumusha zvichitevera kushanduka kwehutungamiri muhurumende.

Vakawanda vevanhu ava vanoona sekunge kupinda kwemutungamiri mutsva wenyika, VaEmmerson Mnangagwa kwavazarurira gonhi ravakanga vachitadza kuzarura munguva yehutongi hwevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakamanikidzwa kubva pachigaro nemauto mwedzi wapera.

Mumwe wevari kunze vari kukurudzira vamwe kuti vatore mukana wekutanga mabhizimusi kumusha ndaVaMartin Guni, vanove mukuru wekambani yeCentury Business Academy Pvt Ltd, iyo yavakawamba kuSouth Africa.

VaGuni nekambani yavo vanobatsira kudzidzisa vanhu zvemabhizimusi, pamwe nekumutsiridza mabhizimusi anenge ave kutatarika.

Asi vanoti kuti tarisiro yevanhu ibudirire, hurumende inofanirwa kuvandudza mitemo inobata mabhizumusi munyika, zvakaita sewekuendeswa kweupfumi kuvatema, pamwe nemitero inobhadhariswa vanoda kutanga mabhizimusi munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG