Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero Voshoropodza Mutemo Unoendesa Upfumi kuVatema


Mutemo we51-49 unonzi wakanangana nezviwanikwa chete

Hurumende inoti iri kuvandudza mutemo wekuendeswa kweupfumi kuvatema kuti ufambidzane negwara rezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, iro rinoti zvikamu makumi mashanu nechimwe zviende kuzvizvarwa zveZimbabwe, zvikamu makumi mana nezvipfumbamwe zvoenda kune vekunze vanenge vachida kuita mabhizimusi munyika.

Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba vazivisa kuti mutemo uyu wakanangana chete nemabhizimusi ane chekuita nechikamu chezviwanikwa.

Asi mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu vagere mune zviwanikwa, re Center for national Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti hurumende yaifanirwa kutarisisa zvakare mutemo uyu, sezvo uchityisidzira vekunze vanoda kuzotanga mabhizimusi munyika.

VaMaguwu vanotiwo hurumende inofanirwa kutora mukana wekuvandudza mutemo uyu kuti iwanise vagari vematunhu ane zviwanikwa cheuviri.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG