Accessibility links

Breaking News

Mhuri yekwaDzamara Yotaura Pamusoro peKusiya Basa kwaVaMugabe


Vanhu vachiratidzira pamusoro pekutsakatika kwaVaItai Dzamara
Vanhu vachiratidzira pamusoro pekutsakatika kwaVaItai Dzamara

Mhuri yemurwiri wekodzero akatsakatika, VaItai Dzamara, inoti inonzwa kufara nekuona nyika yose ichitaura nezwi rimwechete rekuti vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakasiya basa, rinove ndiro shoko rakatanga kutaurwa naVaItai Dzamara kubva muna 2014.

Munin’ina waVaItai Dzamara, Doctor Patson Dzamara, vanoti mukoma wavo akamira oga achiti VaMugabe vave kufanirwa kuchisiya masimba sezvo vakanga vasisakwanisi kuita basa ravo nemazvo.

Doctor Dzamara vanoti chinovarwadza ndechekuti veruzhinji vakaona mukoma wavo seaipenga, asi ndivo zvakare vanhu vakazopinda mumigwagwa vachida kuti VaMugabe vasiye chigaro.

Vanoti panze pekubatana nevamwe mukupemberera, vakatoenda kumba vachichema mushure mekuona kuti mukoma wavo akatsakatika achirwira chinhu chakazoonekwa nevamwe, kusanganisira vari muZanu PF kuti chaive chokwadi.

VaItai Dzamara vakapambwa musi wa 9 Kurume 2015 nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori mushure mekuratidzira kwenguva ndefu vari mu Africa Unity Square.

Hurukuro naDoctor Patson Dzamara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG