Hurumende yeAmerica inoti haisi kuzobvisa zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende pamwe nemamwe makambani kusvikira hurumende yaVaEmmerson mnangagwa yaratidza kuti iri kushandura maitiro ayo.
Mapurisa neChitatu akazivisa kuti akanga asisabvumidze kuungana kwevanhu muguta reHarare pamwe nekutengeswa kwezvekudya mumigwagwa yemukati meguta nemumisha yeBudiriro neGlen View senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere chemanyoka chekorera.
Hurumende neChipiri yakazivisa kuti chirwere chemanyoka che cholera chave chirwere chinoda kubatwa zvechimbichimbi, kana kuti state of emergency, kuitira kuti chikwanise kurwiswa nekukasika pamwechete nechimwe chemanyoka che typhoid.
Bato reZanu PF rinonzi rakasunga kuti vanga vari mutauriri wedare reparamende yadarika VaJacob Mudenda vadzoserwe pachigaro ichi kuchitiwo Amai Mabel Chinomona vachisarudzwa kuve mutungamiri wedare reSeneti.
Vakadomwa svondo rapera nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa semakurukota ehurumende yavo itsva vanotarisirwa kutoreswa mhiko nemutungamiri wenyika neMuvhuro kuState House muHarare.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neChishanu vadoma vanhu vavanoda kuti vazove makurukota muhurumende yavo. Veruzhinji vane maonero akasiyanasiyana pamusoro pevanhu vadomwa ava.
Kusamira kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi munyika kunonzi nevamwe vari mubato reZanu PF pamwe nevesangano revakarwa hondo yerusunguko kuri kukonzerwa nevanopikisa senzira yekuti vanhu vapandukire hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muWashington D.C., VaRalph Chambati, avo vari kugadzira magetsi vachishandisa mhando yemoto wezuva kana kuti solar energy, vanoti zvakakosha zvikuru kuti munhu asimbirire mune chaanenge achiita kusvika chabudirira.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvine maonero akasiyana pamusoro pekutoreswa kwenhengo dzeparamende pamwe neseneti nhasi muHarare.
Sangano reMISA-Zimbabwe rinoti riri kushoropodza zvakanyanya kutydzisirwa kwevatapi venhau nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF kuChitungwiza neChipiri pamusangano wanga uchifanirwa kuitwa wekudoma meya weguta iri.
Musangano wemazuva maviri wekuumba kudyidzana pakati peChina neAfrica, weForum on China-Africa Cooperation, wapera neChipiri muBeijing kuChina kwakare vatungamiri venyika vanga vachipinda musangano uyu vachibuda nezvisungo zviviri zvekusimbaradza kudyidza uku.
Gweta riri kumirira VaKomichi, VaObey Shava veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti VaKomichi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.
Kanzuru yeHarare iri kukurudzira vose vakakwikwidza musarudzo dzichangopera kuitwa kuti vabvise magwaro avo ekuzvishambadza, sezvo akapedza basa rawo.
Mutauriri waVaChamisa, VaNkululeko Sibanda, vanoti VaChamisa vafadzwa zvikuru nemukana uyu sezvo vakwanisa kukurukura nezviri kuitika muZimbabwe.
Svondo rapera mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakasaina kuti uve mutemo Zimbabwe Democracy and economic Recovery Act, ZIDERA, zvichitevera kuvandudzwa kwezvimwe zvikamu zvemutemo uyu.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinoti zvinotarisira kuti hurumende itsva ichagadzwa zvichitevera sarudzo dzakaitwa musi wa 30 Chikunguru gore rino ichagadzirisa nyaya yehupfumi nekukasika senzira yekurerutsa dambudziko remari riri munyika.
Mumwe wemagweta ari kumirira VaMnangagwa uye vari munyori anoona nezvemutemo muZanu PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti ivo nechikwata chavo chemagweta vaedza kunosvitsa magwaro avo kumunyori wezvematare asi vawana mahofisi ake akavharwa sezvo riri zororo remagamba.
Munyori mukuru wesangano revakarwa hondo reZimbabwe Liberation War Veterans Association, VaVictor Matemadanda vanoti zvinorwadza kuti nyika yeZimbabwe iri kucherechedza zuva remagamba nemusi weMuvhuro yakasungwa nezvirango zveAmerica.
Munyori anoona nezvemutemo muZanu PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti kunyange hazvo bato ravo ranga risati ratambira magwaro eMDC Alliance ekumatare, vakagadzirira zvakasimba kusangana kumatare edzimhosva.
Doctor Pedzisai Ruhanya, vanove Post Doctoral Researcher pa University Of Johannesburg muSouth Africa vachitaura pamusoro pezvaziviswa nesangano reCommonwealth ranga richiongorora sarudzo. Nyaya ina Jonga Kandemiri.
Rodhai zvimwe