Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, Vanosangana naVaChamisa


Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, vasangana naVaNelson Chamisa mushure mekusangana naVaMnangagwa.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, vasangana naVaNelson Chamisa mushure mekusangana naVaMnangagwa.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vasangana nemumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, vakakurukura zvinhu zvakati wandeyi.

Vaviri ava vakurukura nezvesarudzo dzichangobva kuitwa, nyaya dzekodzero dzevanhu pamwe nemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Mutauriri waVaChamisa, VaNkululeko Sibanda, vanoti VaChamisa vafadzwa zvikuru nemukana uyu sezvo vakwanisa kukurukura nezviri kuitika muZimbabwe.

Musangano uyu unouya mushure mekunge VaNichols vasangana neChitatu nemutungamiri wenyika uye vakamirira Zanu PFmusarudzo yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachizeyawo mamiriro akaita zvinhu munyika.

VaChamisa vari kupikisa kukunda kwaVaMnangagwa musarudzo yemutungamiri wenyika, uye dare repamusorosoro riri kutarisirwa kunzwa nyaya yavo musi wa 22 Nyamavhuvhu.

Hurukuro naDoctor Nkululeko Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG