Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yokurudzira Kubviswa kweZvinorwa Zvakashaniswa Musarudzo


VaMichael Chideme
VaMichael Chideme

Kanzuru yeHarare iri kukurudzira vose vakakwikwidza musarudzo dzichangopera kuitwa kuti vabvise magwaro avo ekuzvishambadza, sezvo akapedza basa rawo.

Mutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme, vanoti mutemo wekanzuru unoti magwaro ekushambadza kana kuti ma poster, anofanirwa kubviswa mukati memazuva mana kana sarudzo dzapera, asi vakawanda vakakwikwidza havasi kubvisa magwaro avo.

VaChideme vanoti ma ‘poster’ aya yatove tsvina mukati meguta vachiti vacharamba vachiyeuchidza vanhu ava pamwe nemapato avo kuti vaabvise pasina kunetsana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG