Accessibility links

Breaking News

Musangano weChina-Africa Unopera Africa Ichipiwa Rubatsiro rweMari


Vatungamiri venyika vanga vari kumusangano weChina-Africa, kuBeijing.
Vatungamiri venyika vanga vari kumusangano weChina-Africa, kuBeijing.

Musangano wemazuva maviri wekuumba kudyidzana pakati peChina neAfrica, weForum on China-Africa Cooperation, wapera neChipiri muBeijing kuChina kwakare vatungamiri venyika vanga vachipinda musangano uyu vachibuda nezvisungo zviviri zvekusimbaradza kudyidza uku.

Chisungo chekutanga ndeche Beijing Declaration, icho chinonzi chiri kunangana nekuumba hukama hwakasimba hune remangwana rinogovanwa neChina neAfrica.

Chisungo chepiri ndechehurongwa hwebudiriro hwemakore matatu cheFOCAC-Beijing Action Plan, icho chichaumba hwaro hwekudyidzana kwemapoka maviri aya.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanga vachipindawo musangano uyu, uko vanonzi nenhepfenyuro yeZBC vaudza musangano uyu kuti Zimbabwe yakaita sarudzo dzakarumbidzwa nevaiongorora sarudzo idzi vekunze. Asi zvakabuda musarudzo idzi zviri kupikiswa nevakakwikwidza vakamirira MDC Alliance, VaNelson Chamisa.

China yakazivisawo kuti yapa nyika dzemuAfrica mari inoita mabhiriyoni makumi matanhatu emadhora yekuti dzisimukire, asi danho iri riri kushoropodzwa zvikuru nevamwe vari kuti China iri kuramba ichitsimbirira nyika dzemuAfrica nezvikwereti.

Kubva muna 2000 kusvika muna 2017, China yakweretesa nyika dzemuAfrica mari inoita mabhiriyoni zana nemakumi mana emadhora.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paChinhoyi University of Technology, Doctor Teddy Mungwari, vanoti panofanirwa kujekeswa kuti rubatsiro rweChina kuZimbabwe pamwe neAfrica yose harwuna charwakabereka.

Hurukuro naDoctor Teddy Mungwari
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG