Nhengo dzedare reparamende dziri kutarisirwa neChipiri kuita sarudzo dzekutsvaga achave mutauriri wedare reNational Assembly pamwe nemutungamiri weSeneti nevatevedzeri vavo.
Bato reZanu PF rinonzi rakasunga kuti vanga vari mutauriri wedare reparamende yadarika VaJacob Mudenda vadzoserwe pachigaro ichi kuchitiwo Amai Mabel Chinomona vachisarudzwa kuve mutungamiri wedare reSeneti.
Mashoko atiri kuwana asi asina kutsinhirwa neMDC Alliance anoratidza kuti bato iri rakadomawo Muzvare Thabitha Khumalo kuti vakwikwidze chigaro chemutauriri wedare reparamende, kuchitiwo VaElias Mudzuri vachinzi vakwikwidze chigaro chemutungamiri wedare reSeneti.
Sarudzo idzi dzinonzi dzichaitwa kuburikidzwa nekuvhota muchivande dzichitungamirwa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC. Asi Zanu PF ine mukana mukuru kwazvo wekutora zvigaro zvose izvi pachitariswa kuti ine huwandu mumatare ose ari maviri zvichienzaniswa neMDC Alliance.
Vakasarudzwa senhengo dzeparamende vasina kukwanisa kutoreswa mhiko svondo rapera vari kutarisirwawo kutoreswawo mhiko.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reConcerned Citizens Support Network of Zimbabwe, uye vakarerekera kubato reMDC Alliance, VaTawanda Dzvokora, avo vari kuNorth Dakota muAmerica, vanoti kunyange hazvo zanu PF iine huwandu, inofanirwawo kukoshesa ruzivo rwenhengo dzinopikisa kana yoshara vatungamiri.
Vanoti kuMDC Alliance kune vanhu vakaita saVaMudzuri avo vavanoti vane nhoroondo yekushanda senhengo yeparamende kwemakore akawanda uye vakambotungamira guta reHarare vari meya.
Facebook Forum