Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votarisira Kuti Hurumende Itsva Ichavandudza Hupfumi


Vanhu vakawanda munyika vave kuzvishandira uye mari hadzisi kuwanikwa kumabhanga.
Vanhu vakawanda munyika vave kuzvishandira uye mari hadzisi kuwanikwa kumabhanga.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinoti zvinotarisira kuti hurumende itsva ichagadzwa zvichitevera sarudzo dzakaitwa musi wa 30 Chikunguru gore rino ichagadzirisa nyaya yehupfumi nekukasika senzira yekurerutsa dambudziko remari riri munyika.

Mumwe wevana veZimbabwe vari kukurudzira kuti hurumende ikoshese nyaya yekumutsiridzwa kwehupfumi ndaVaAudrick Chocho vekuMufakose, avo vanoti zvishuvo zvevanhu vakawanda ndezvekuti zvinhu zvireruke munyika.

Mashoko aVaChocho aya anotsigirwa naVaNorman Masunda vemuHarare, avo vanoti chishuvo chavo chikuru ndechekuti hurumende ichagadzwa igadzirise hupfumi hwenyika nekukasika, zvikuru sei dambudziko rekushaikwa kwemari kumabhanga.

Mabhanga mazhinji emunyika ari kukundikana kuwanisa mari dzinenge dzichidiwa nevanhu vanochengetera mari dzavo kumabhanga aya panguva dzavanenge vachida mari dzavo, asi mari ichiwanikwa chero nguva pamisika mitema.

Izvi zvinoshoropodzwa zvikuru naVaIbrahim Chitambo vekuBindura, avo vanokurudzira kuti nyika ive nemari yayo, kwete kushandisa yekune dzimwe nyika sezviri kuitika iye zvino.

VaChitambo vanoti chimwe chinofanirwa kugadziriswa nani zvake achange achizogadzwa semutungamiri wenyika kuvhurwa kwemaindasitiri kuitira kuti vanhu vawane mabasa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira sangano reMedia Center, VaErnest Mudzengi, vanoti chikuru chave kudiwa munyika ndechekuti pave nekuwandudzwa kwemaitiro ehurumende inenge yapinda isiyane nemaitirwo ebasa nehurumende yakanga iripo.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti dambudziko riri muZimbabwe rinogona kutora kanguva kugadzirisa kana dai pakave nehurumende itsva.

Nyika yakamira negumbo rimwe munyaya dzezvehupfumi, zvikuru sei pasati pazvikanwa kuti ndiyani achagadzwa semutungamiri wenyika mutsva pakati paVaEmmerson Mnangagwa veZanu PF, naVaNelson Chamisa veMDC Alliance zvichitevera kupikiswa naVaChamisa kwezvakabuda musarudzo yemutungmiri wenyika mushure mekunge Zimbabwe Electoral Commission yazivisa kuti VaMnangagwa ndivo vakakunda.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG