Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC Alliance, VaMorgen Komichi, Vanosungwa neMapurisa


MDC-T Komichi Presser

Mapurisa eZimbabwe Republic Police asunga achibva apomera sachigaro veMDC -T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaMorgan Komichi, mhosva yekuvhiringidza kuziviswa kwezvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Mapurisa anoti VaKomichi vakaita izvi apo Zimbabwe Electoral Commission, Zec, yaizivisa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika musi wa 2 Nyamavhuvhu.

VaKomichi vari kupomerwa mhosva yekushevedzera mashoko ekuramba kuti vakasaina magwaro ezvakabuda musarudzo panguva iyo vatori venhau vakanga vakamirira kuti makomishina eZec azivise zvakanga zvabuda musarudzo iyi.

Gweta riri kumirira VaKomichi, VaObey Shava veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti VaKomichi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.

VaShava vanoti mapurisa apfigira muchitokisi VaKomichi pakamba yeHarare Central Police Station mushure mekunge vazvipira voga kumapurisa.

VaShava vaniti vaudza nemapurisa kuti VaKomichi vachatozoendeswa kudare neMugovera.

VaKomichi vari kupomerwa mhosva yekutyora chikamu 186 chemutemo wesarudzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG